Accessibility links

Breaking News

Vanyori veMabhuku Vokurudzirana Kutsikisa Voga Mabhuku Avo


Munyori Stephen Chifunyise kuZimbabwe International Book Fair.
Munyori Stephen Chifunyise kuZimbabwe International Book Fair.

Kuratidzwa kwemabhuku pamusika mukuru wemabhuku muHarare kwakapera neMugovera wapera vanyori vachi kurudzirana kuti vazvitsikisire mabhuku avo vega senzira yekutiza kubirwa mari dzinotengwa mabhuku.

Zvimwe zvakabuda pamusangano wevanyori uyu zvinosanganisira kumisa kudhindwa kwemabhuku pamikoto, kana kuti piracy, uko vanoti kuri kuita kuti kunyora mabhuku kusabhadhare kana zvichienzaniswa nezvaitika kare.

Munyori ane mukurumbira munyika Aaron Chiwundura Moyo anoti nekuda kwekuti pave nechitsotsi pakubhadharwa kwevanyori nevanodhinda nekuburitsa mabhuku, ano kurudzira vanyori kuti vazvidhindire nekuzvitengesera mabhuku avo.

Chiwundura Moyo, uyo anonyanya kuzivikanwa nebhuku rake rinonzi "Wakandicheka Nerakagomara", anoti kubirwa kunotanga pakunyorerana chibvumirano chekushanda pamwechete pakati pemunyori nekambani ichazotsikisa pamwe nekutengesa bhuku remunyori.

Izvi zvinotsigirwa nemumwe munyori Alois uyo anoti hapana kubudirana pachena kuti mabhuku emunyori mangani anenge adhindiswa.

Panyaya yekudhindiswa kwemabhuku pamukoto, Alois anoti dambudziko iri hariperi kana dambudziko rehupfumi munyika risina kugadziriswa.

Chiwundura Moyo anotiwo dambudziko rehuwori kumapurisa nemitemo isiri kutevedzerwa munyika zvimwe zvezvinhu zviri kuita kuti kundhindiswa kwemabhuku pamukoto kusapere.

Mumwe munyori Elisha July anoti vanotengesa mabhuku vanofanirwa kuderedza mitengo sezvo kudhindisa mabhuku kusingadhure mazuva ano zvichienzaniswa nekare.

Izvi zvinotsigirwawo naFarai Mungoshi uyo anoti mabhuku ari kunyanya kudhura izvo zvave kuita kuti vanhu vakawanda vatenge mabhuku akadhindwa zvisiri pamutemo.

Asi mukuru weMambo Press, iyo inodhinda mabhuku, Muzvare Progress Ningwa, vanoti vanyori vanofanirwa kuziva kuti haisi mari yekudhindwa kwemabhuku inobhadhara chete.

Muzvare Ningwa vanoti dzimwe mari dzavanobhadhaiswa dzinosanganisira dzepavanoshandira, kubhadhara vashandi pamwe nekushambadzira mabhuku.

Mukuru weZIBF VaBlazio Tafireyi vanoti gore rino vanhu nemakambani anosvika makumi matatu nemana vakaratidzira pamusika wemabhuku gore rino zvichienzaniswa nemakumi mashanu vakaratidzira gore rapera.

VaTafireyi vanoti kushomeka kwevaratidzi kwakakonzerwa nenyaya yehupfumi husina kumira zvakanaka.

Nzvimbo diki yekuratidzira mabhuku yaibhadharwa madhora mazana maviri, ukuwo hombe, Gazebo, yaibhadharwa madhora chiuru nemazana maviri iyo vakawanda vanoti yaive yakawandisa.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG