Accessibility links

Breaking News

Chikoro cheBondolfi Choramba Chakavharwa nePamusana peCovid-19


Dr Amedeous Shamu and VaEzra Chadzamira.
Dr Amedeous Shamu and VaEzra Chadzamira.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 paBondolfi Teachers College, muMasvingo hwakwira kusvika pazana nevatatu zvichitevera kubatwa kwevanhu vanomwe nezuro vaine chirwere ichi.

Munyika yose, vanhu makumi matatu nevashanu vakabatwa vaine chirwere ichi nezuro wakare, vanhu vatatu vachinzi vakafa nezuro.

Mutauriri weCovid-19 Task Force muMasvingo, VaRodgers Irimayi, vaudza
Studio 7 kuti ongororo dzakaitwa pavanhu vanopfuura mazana
matatu vari paBondolfi, vanhu zana nevatatu ndochete vane chirwere
chi.

Vanhu vanomwe vakabatwa nechirwere ichi nezuro, pamusoro evanhu makumi mapfuumbamwe nevatanhatu vakawanikwa vaine chirwere ichi nemusi weChitatu.

VaIrimayi vati hurumende iri kugutsikana nevanhu vari pachikoro ichi
pamwe nevari kunze avo vari kutevedzera chisungo chakatarwa
nehurumende chekuti hapana achapinda kana kubuda muchikoro ichi.

VaIrimayi vatiwo hurumende ichiri yakamirira kuita ongororo yekuti mhando yedenda iyi yakabva kupi sezvo vamwe vanhu vari kutyira kuti inogona kunge yakabva kunze kwenyika, zvikuru yemhando yakatangira kuIndia.

Vatiwo chirongwa chekufirita chikoro ichi pamwe nenharaunda chatotanga sezvo bazi rehutano rakawedzera vashandi varo pachikoro ichi.

Hurumende yakazivisa kuti Bondolfi Teachers College yainge yazvarwa uye hapana munhu ari kubvumidzwa kushanyira pachikoro ichi, uye vagary vepachikoro ichi havasi kubvumidzwa kubuda kudzamara denda reCovid-19 rapera.

Muchiziviso chayo nezuro, hurumende yakati vanhu vatatu vakashaya nechirwere cheCovid-19 munyika yese, uye vanhu vakafa ava ndevemuguta reBulawayo.

Kuzvika pari zvino Zimbabwe yava nevanhu chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi napfumbamwe nevaviri vafa nechirwere ichi, 1 592.

Vanhu makumi matatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi munyika yose, vanomwe vavo vari vemuMasvingo. Vanhu vabatwa nechirwere munyika yose vave zviuru makumi matatu nezvisere nemazana masere ane makumi mashanu nevana, 38 854.

Vanhu zviuru zvina nemazana mashanu nemakumi mapfumbamwe, 4 590
vakaibawa nhomba yekutanga nezuro izvo zvakasvitsahuwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga pazviuru mazana matanhatu nemakumi mana nezvisere nezana nemakumi maviri nemumwe chete, 648 121.

Vanhu vabaiwa nhomba yechipiri vave zviuru mazana matatu nezvishanu
nemazana maviri nemakumi matanhatu nevasere, 305 268.

Zimbabwe inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu vanosvika mamiriyoni gumi, 10 million, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, 60%, zvevanhu vari munyika senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere
cheCovid-19.

Mune imwewo nyaya sangano reZimbabwe Doctors Association for Human Rights (ZIDAHR) riri kukurudzira vagari vemudunhu reMasvingo kuti vamhangare kutyorwa kwekodzero dzavo mumhirizhonga dzemudzimba dzinonzi dziri kuwanda munguva ino yedenda reCovid-19.

Vachitaura pamusangano wavaita nenhengo dzesangao revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance (MURRA), nhasi paMucheke Hall, vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZIDAHR, VaBrian Mbanje, vakurudzira vagari kuti vasaite mhirizhonga uye vamhangare kana dzaitika mudzimba.

VaMbanje vati sangano ravo rakaita ongororo rikaona kuti nyaya
dzemhirizhonga kunyanya dzekurovana kwevakaroorana pamwe nedze
mhirizhonga dzepabonde dziri kuwanda nekudaro vanhu
vanofanira kudzidziswa kutevedzera mitemo yenyika.

Vachitaurwo pamusangano uyu, gweta, Muzvare Chiedza Chuma, vati zvakakosha kuti vanhu vasafire mumoyo kana kodzero dzavo dzichinge dzatyorwa pamhirizhonga dzemumba.

Imwe nhemgo yeMURRA, Amai Tracy Musakaruka, vati mhirizhonga yakawandisa mudzimba asi vagari havana ruzivo rwekuti
vanofanira kumhangara here kana kuti kwete, nekudaro vanongofira mumoyo asi nezvidzidzo zvavawana vakukwanisa kutora matanho.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika anoti mhirizhonga
yemudzimba yakawedzera munguva yedenda reCovid-19 lockdown sezvo
vakaroorana vaipedza nguva yakawanda vari vose mudzimba.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG