Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vomhanyira kuChirundu Kunotenga Bond Notes neMadhora ekuAmerica


Apo mari iri kunyanya kushayikwa kumabhangi mari yema bond notes neyekuAmerica yakazara kuChirundu pamuganhu weZimbabwe neZambia kurutivi rweZambia uko iri kutengeswa pamukoto.

Studio 7 yakashanyira bhodha reChirundu uko yakaona vanhu vanotengesa mari pamukoto vaine mari yema bond notes pamwe neyekuAmerica iyo yavakunetsa kuwana kumabhangi.

Vari kutengesa mari iyi pamukoto vanoti vanokwanisa kupa munhu chero mari yaanoda sezvo vainayo yakawanda.

Vanotengesa ava vanoti ivo ndivo vane yese sezvo vakawanda vari kubva kunzvimbo dzakawanda vaine mabond notes vachida mari yekuAmerica yekunohodha zvinhu zvekutengesa kunze kwenyika.

Vanotengesa mari ava vanoti vanhu vakawanda vanotenga mari vanenge vachida kunobhadhara motokari dzavanenge vachitenga kuJapan kumabhangi ekuZambia.

Nekuda kwekunetsa kwemari yekuAmerica munyika vatengi vedzimotokari kunze kwenyika vave kubhadhara mari kumabhangi ekuZambia.

Vakawanda vakatovhura mabhuku kumabhangi ekuZambia kuti zvivaitire nyore kubhadhara motokari uye vanobhadharirawo vamwe ivo vachipihwa kamari pamusoro.

Mumwe wevanotengesa mari paChirundu, VaLaxon Mwale, vanoti vanhu vakawanda vari kuuya nemabond notes vachida mari yekuAmerica kana yekuZambia.

VaMwale vanoti mari yakawanda yavainayo vanopihwa nevavanoshandira, ivo vozopihwa mari yemuripo zvichienderana kuti vanenge vachinja mari yakawanda zvakadii.

Mumwe anotengesa mari pamukoto paChirundu kudivi reZimbabwe, VaDarlington Chanetsa, vanoti chiri kuita kuti mari yema bond notes iwande kudivi reZambia ndecheti inenge ichitevera mari yekuAmerica iyo yakawanda kuZambia.

VaChanetsa vanoti hurumende ingadai yakateerera zvaitaura veruzhinji kuti kuunza mari yemabond notes hazvigadzirise dambudziko rezvehupfumi munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neLabour and Economic Development Institute of Zimbabwe, VaNyasha Muchichwa, vanoti izvi hazvishamise sezvo vanhu vakawanda vachienda kune mari yekuAmerica kunochinja mabond notes avanenge vawana.

VaMuchichwa vanoti vanhu vari kuchinja mabonds notes nezvikonzero zvakasiya siyana zvinosanganisira kuchengetedza hukoshi hwemari yavo pamwe nekunotenga zvinhu kunze kwenyika.

Zvinonziwo mari yemabond notes yakawandawo kubhodha reBeitBridge pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa, kuPlumtree pamuganhu weZimbabwe neBotswana pamwe nekuNyamapanda pamuganhu weZimbabwe neMozambique.

Asi mari iyi iri kunetsa kuwana mumaguta mazhinji, izvo zviri kupa kuti vanhu varare vari pamitsetse yemabhanga vachida kutora mari dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG