Accessibility links

Breaking News

Vanozviti Vakarwa Hondo yeChimurenga Vonangana naVaBiti Vachiti Vanoda Mari Dzavo

  • Thomas Chiripasi

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti

Vanhu ava vaswera vari pamahofisi egurukota rezvemari, Va Tendai Biti, paNew Government Complex, vachiratidzira vachiti vanoda kuti mari yavari kupihwa nehurumende iwedzerwe.

Vaimbove varwiri vehondo yeChimurenga, kana kuti war veterans, vachitsigirwa nevanhu vane zera rinoratidza kuti havana kupinda muhondo yerusununguko, vapinda muzuva rechipiri vachiratidzira pamahofisi egurukota rezvemari vachiti vanoda kuti mari dzavanopihwa dziwedzerwe.

Vanhu ava vaswera vari pamahofisi egurukota rezvemari, Va Tendai Biti, paNew Government Complex, vachiratidzira vachiti vanoda kuti mari yavari kupihwa nehurumende iwedzerwe.

Kuratidzira uku kwakatanga neChipiri masikati zvinonzi naVaBiti zvakonzera kuti vashandi vehurumnde vanoshandira panzvimbo iyi vanonoke kuenda kudzimba dzavo.

Vanga vachitungamira varatidziri ava, VaFanuel Matsenga, vanove political commissar wesangano revakarwa hondo mu Harare, vati mari dzavanopihwa pamwedzi pamwe nedzinotambiriswa vashandi dzinofanirwa kuwedzerwa.


Varatidziri ava vanoti vanoda kuti mari dzavari kupihwa dziwedzerwe kubva pamadhora zana nemakumi maviri pamwedzi kusvika pamazana matanhatu nemakumi maviri pamwedzi.

VaMatsenga vati gurukota rezvemari rinofanira kusiya basa kana izvi zvisina kuitika.

Asi VaBiti vanoti homwe yehurumende yakabooka zvekuti havakwanise kuita zviri kudiwa nevaratidziri ava. Vatiwo pane mutemo uripo unotara mari dzinofanirwa kupihwa vakarwa muhondo yerusununguko zvekuti ivo havakwanise kuushandura.

VaBiti vatiwo kuratidzira kuri kuitwa nevanhu ava pamahofisi avo hakuneyi nezvekuda kuwedzerwa mari nekuti vakarwa muhondo yerusunguko ava vari kutungamidza zvematongerwo enyika pamberi.

VaBiti vati havasi kuzofa vakabvuma kutyisidzirwa nevanhu ava vachiti zviri kuitwa nebazi ravo zvinhu zvinobatsira ruzhinji rwe Zimbabwe.

Muswere wese hapana basa raitwa mumapazi ehurumende anowona nezvemari, kuvandudzwa kwehupfumi, zvemitemo pamwe nedzidzo yepamusoro sezvo vashandi vehurumende vatadza kupinda mumahofisi aya nepamusana kwevanhu vanga vachiratidzira ava.

Bato raVaBiti rinoti vanozviti vanhu vakarwa muhondo yerusununguko ava vanofanirwa kuenda kunoratidzira kumahofisi egurukota rezvemigodhi, Va Obert Mpofu, pamwe nevamwe vakuru vakuru muZanu PF, avo rati vari kutyorera muhomwe dzavo mari dziri kubva kumangoda ekwaChiadzwa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG