Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vanopinda Mumubatanidzwa weCODE Vachiti Zanu PF Payo Papera


Bato rePeople’s Democratic Party iro rinotungamirwa naVaTendai Biti, rapinda neChina mumubatanidzwa wemapato anopikisa hurumende weCoalition of Democracts, kana kuti CODE.

Vatsigiri vebato rePDP vapembera apo bato ravo rapinda muCODE.

PDP ndiro bato rechipfumbamwe kupinda muCODE uye VaBiti vanoti bato ravo rapinda muCODE nekuti ndiyo chete nzira yekubvisa bato reZanu PF pachigaro.

VaBiti vanoti pane mukana wekuti mapato ese anopikisa abatane uye izvi ndizvo chete zvichaita kuti vakunde Zanu PF.

Panyaya yekuti mapato anopikisa ari kurwisana nenyaya yezvigaro, VaBiti vati iri harisi dambudziko asi chinodiwa mukana chete wekuti mapato aya agare pasi.

Sachigaro weCODE parizvino, VaFarai Mbira vebato reZunde vati CODE iri kuda kuti mapato ose kusanganisira MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai neZimbabwe People First apindewo muCODE.

VaBiti vatsinhirawo vachiti CODE inoda kuti mapato ese ashande akafanana uye VaTsvangirai vanogona kutungamira mubatanidzwa uyu kana vakazvininipisa.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, Va Edwin Mushoriwa, vatiwo vane chivimbo chekuti mamwe mapato anopikisa achapinda muCODE.

Zvichakadai, CODE inoti haina chivimbo negwaro revavhoti richaumbwa neZimbabwe Electoral Commission uye vanoda kuti vanhu vashandise zvitupa zvavo kuvhota musarudzo dza2018.

MDC-T inotiwo yakazvipira kuumba mubatanidzwa wakasimba uchabvisa Zanu PF pachigaro uye inoti iri kutaurirana nemamwe mapato pasi pechirongwa cheNational Electoral Reform Agenda, kana kuti NERA.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG