Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vonyunyuta neKupedza Nguva Vari paMuganhu weZimbabwe neSouth Africa


Muganhu weZimbabwe neSouth Africa weBeitbridge.

Vanhu vakawanda vari kuda kunotambira zororo rekisimusi kumusha vanoti vari kupedza nguva yakawanda vari mumitsetse pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa vakamirira kudhindirwa mapasipoti avo.

Mumwe wevanhu ava, Amai Ruvarashe Matope, vanoti vakatora nguva yakarebesa vari mumutsetse wekudhindisa pasipoti yavo vari kudivi rekuSouth Africa.

Amai Matope vanoti vashandi vepabhodha kudivi reSouth Africa vari kuita chinono pakudhinda mapasipoti evanhu vanenge vachibuda muSouth Africa vachipinda muZimbabwe.

Hatina kunzwa divi revashandi vepabhodha kudivi reSouth Africa kuti sei kuine mitsetse yakakura uye kuti sei vashandi vavo vachinonoka kudhinda mapasipoti.

Kunze kwekupedza nguva yakareba vari pabhodha, Amai Matope vanoti chimwe chinovarwadza ndechekuti vakabhadhariswa mafuta ekubikisa nesipo zvavanga vainazvo vachinzi zvakawandisa.

VaNgoni Chivavaya, avo vanoshanda nekugara muSouth Africa, vanotiwo ichokwadi kuti vanhu vakawanda vari kupedza nguva yakareba vari mumutsetse pabhodha.

VaChivavaya vanoti vakatarisira kuzorora nehama neshamwari kumusha kwavo.

Mushandi wekambani inobhadharisa mitero yezvinhu zvinopindwa nazvo muZimbabwe, yeZimbabwe Revenue Authority, VaCharity Manyowa, vanoti munhu anobvumirwa kupinda nemafuta asingadarike marita gumi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG