Accessibility links

Breaking News

Mabhanga Ovhurwa Katatu Svondo Rega Rega


New Money Currency 3
New Money Currency 3

Vemabhanga munyika pamwe nevanoshandisa mabhanga kuchengetera mari dzavo vari kutambira nemufaro mukuru danho rakatorwa neMuvhuro nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekuti mabhanga avhure mikova yavo yawo kuitira kuti veruzhinji vakwanise kutora mari dzavo vachidzishandisa panguva iyo nyika yose yakavharwa senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCoronavirus.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Grace Mazhawidza, vati vafara zvikuru nedanho ratorwa iri vachiti vane mari yavakatumirwa kubva kunze kwenyika kuti vabatsirikane asi vanga vave kufa nenyota makumbo avo ari mumvura.

Danho ratorwa nehurumende iri ratambirwawo nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition.

Mutauriri wesangano iri, VaMarvelous Khumalo, vati vanhu vazhinji vave kurarama nemari dzinotumirwa nehama dzavo dziri kunze kwenyika, nokudaro kuvharwa kwemabhanga aya kwanga kwava kuisa hupenyu hwevanhu ava munjodzi.

Asi VaKhumalo vakurudzirawo bhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, kuti rione kuti mabhanga ane mari kuitirawo avo vane mari dzinochengetwa mumabhanga ari ma bond notes kuti vakwanise kuwana mari yekonushandisa panguva iyo nyika yakavharwa.

Gavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, vazivisa kuti mabhanga achavhura kwemazuva matatu pasvondo rega-rega kutanga neChitatu.

VaMangudya vati mabhanga achange achivhura musi weChipiri, musi Chitatu nemusi weChina kubva nenguva dza9 mangwanani kusvika nenguva dza3 masikati pamazuva avatara aya.

VaMangudya vatiwo makambani anotambira mari dzekunze achishandira muzvitoro achange achivhurawo mazuva ose panguva dzinenge dzakavhurwa zvitoro munguva yakatarwa nehurumende kuti zvitoro zvinge zvakavhura kuitira kuti veruzhinji vawane mukana wekutenga zvokudya muzvitoro.

Munyori mukuru musangano rinomirira vashandi vemumabhanga reZimbabwe Banks and Allied Workers Union, uye vari zvakare mutungamiri wesangano guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vati zvakakosha kuti vashandi vemumabhanga vapihwe mbatya dzekuzvidzivirira pavachange vari pabasa.

Pamusoro peizvi, VaMutasa vati vashandi vemubhanga vanofanirawo kupihwa muripo wakakodzera pavachaisa hupenyu hwavo patambo vachienda kubasa panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano revemabhanga reBankers Association of Zimbabwe, VaBenefit Washaya, vatiwo havakwanise kutaura nesu kuti tinzwe kuti matanho api avachatora kudzivirira vashandi vemumabhanga kuti vasabatire chirwere cheCoronavirus pavachenge vari pabasa uye kuti vachavapa mari yakapetwa zvakadii panguva iyi.

Kubva pakavharwa nyika yose nemutungamiri wenyika musi 30 Kurume nekuda kwechirwere cheCovid-19, hapana kana bhanga rimwe chete ranga richivhura zvanga zvoita kuti vane mari mumubhanga nevakatumirwa mari kubva kunze kwenyika, vachemecheme.

Hurumende inoti muZimbabwe mave nevanhu gumi nemumwe chete vakabatwa nechirwere cheCovid-19 kusanganisira Zororo Makamba uyo akauraiwa nechirwere ichi mwedzi wapera.

Vanhu vanonzi vafa nechirwere ichi pasi rose vave kudarika zviuru makumi manomwe nezvishanu uye zvinonzi vanhu vabatwa nechirwere ichi pasi rose vanodarika miriyoni chete nemazana matatu nemakumi matanhatu ezviuru.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG