Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Kudhinda Mari Zvakare


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti chirongwa chehurumende chekushandisa mari yema bond notes, chichabatsira nyika kwenguva diki sezvo vanhu vari kutambura kuti vawane mari.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi nezvematongerwo enyika dzinoti chirongwa chehurumende chekushandisa mari yema bond notes, chichabatsira nyika kwenguva diki sezvo vanhu vari kutambura kuti vawane mari.

Asi vamwe vanoti izvi hakuna kwazvinosvika sezvo nyika isiri kugadzirisa hupfumi hwayo, izvo zvinozoita kuti dhora remuZimbabwe ridzoke zvakare.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, Va Gadzirai Chirumhanzu, vanoti hurumende yakagona zvikuru nekubuda nechirongwa chichabatsira veruzhinji.

VaChirumhanzu vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi nepamusana pekuti bato reMDC ndiro rakakurudzira kuti nyika itemerwe zvirango.

Asi nyanzvi munyaya dzekufambiswa kwemari mumabhanga, Va Ngoni Chivizhe, vanoti kuiswa kwema bond notes, munongedzo wekuti dhora remu Zimbabwe rave munzira kudzoka.

VaChivizhevanoti vanhu vemuZimbabwe vanofanirwa kuziva kuti hupfumi huri kupfugama nepamusoro pemitemo yenyika inosungira makambani ekunze kuti ape hupfumi hwawo hunosvika zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema vemunyika.

VaChivizhe vanoti izvi zvinodzinga vane mari dzavo.

Hurumende kuburikidza nagavhuna webhanga guru renyika, VaJohn Mangudya, yakaziviva kuti ichange yoshandisa ma bond notes sezvo mari yekunze iri kunetsa kuwana munyika. Hurumende inoti izvi zvicharerukira veruzhinji kuti vatenge zvinhu munyika.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti danho iri richaomera vanhu vanoda kunotenga zvinhu kunze kwenyika sezvo vanenge voenda kunokumbira mari dzekunze kumabhanga.

Hurukuro naVaNgoni Chivizhe Pamwe naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG