Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Mhuri Dzoti Nzara Yodzituma Kudya Nyama yeMakudo kuMasvingo


Vamwe vanoti nzara yave kuita kujti vadye makudo
Vamwe vanoti nzara yave kuita kujti vadye makudo

Vagari vekuMwenezi kunyanya vanotsigira mapato anopikisa hurumende ye Zanu PF vanoti vave kumanikidzwa kurarama nekudya nyama yemakudo sezvo hurumende iri kuvanyima chikafu chinopuwa vanhu vanenzara nenyaya yezvematongerwe enyika. Mutori wedu wenhau Gandri Maramba anotipa nyaya inotevera.

Vachitaura nenhepfenyuro yeStudio 7, vagari ava vanoti havana imwe nzira ingavararamise kunze kwekuvhima makudo mumakomo kuti vadye nemhuri dzavo. Vati chikafu chinobva kuhurumende chiri kupihwa vanhu zvichitariswa kuti wabuda mumba maani.

VaSimon Hlavati, vekuSarahuro vanoti vari kudya makudo nekuti vari kunonga svosve nemuromo.

Vamwe vagari vanoti kumanikidzwa kudya mhuka dzakaita semakudo kutyorwa kwekodzero dzavo sezvo hurumumende ichifanira kuona kuti munhu wese awana chikafu pasina rusarura.

Va Terence Gumbochuma vanoti ivo izvi zviri kuitika ku Mwenezi zvinosiririsa.

Vagari ava vanotiwo kudya makudo hakuna kusiyana nekudya vanhu uye vebazi rinoona ne zvemhuka kunzvimbo iyi veNational Parks vanoti makudo avakupera mudunhu iri.

Kunyangwe hazvo gurukota rinoona nedunhu reMasvingo Amai Shuvai Mahofa varamba kutaura ne Studio 7, sangano rinomiririra kodzero dzevanhu muMasvingo, re Masvingo Human Rights Trust, rati ichokwadi kuti vanhu vorarama nekudya mhuka dzisingaiti semakudo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMasvingo Residents Trust VaMasimba Gonese vanoti hurumende irikutyora kodzere dzevanhu nekuvanyima chikafu vachiita zvematongerwo enyika.

Asi vamwe vagara vachidya zvavo nyama yemakudo, kunyange kusina dambudziko rechikafu.

Komisheni ye Zimbabwe Human Rights yakabudisa mashoko ekuti hurumende iri kugova chikafu ichiita zvematongerwo enyika sezvo vari kuwana chikafu vari nhengo dzeZanu-PF.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG