Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinobvisisa Muzvare Mahere, Tsitsi Dangarembga neVamwe Mari yeChibatiso


Tsitsi Dangarembga
Tsitsi Dangarembga

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzai Mahere, munyori wemabhuku ane mukurumbira pasi rose, Tsitsi Dangarembga, nevamwe negumi nemumwe chete vakasungwa neChishanu, vaburitswa muhusungwa zvichitevera kubhadhariswa kwavaitwa mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora emaRTGS.

Vasungwa ava vamiswa pamberi pedare mushure mekurara vari muchitokisi vachipomerwa mhosva yekutyora mirawu ye Covid-19 Regulations pamwe nekukurudzira zvemhirizhonga.

Zimbabwe activists arrive at court
Zimbabwe activists arrive at court

Vasungwa ava vanzi nedare vadzoke kudare musi wa18 Gunyana.

Muchichisi wenyaya idzi, VaMichael Reza, vaudza dare kuti vasungwa ava vakaratidzira zviri kunze kwemutemo vachiisa hupenyu hweveruzhinji panjodzi uye vakakurudzira mhirizhonga nekuratidzira kwavakaita.

Kunyange hazvo magweta ari kumirira vanhu ava ati ane zvichemo, magweta aya ati achataura zvichemo izvi mudare pachadzoka nyaya iyi kudare.

Hurumende haina kupikisa chikumbiro chekuti vasungwa ava vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso zvaita kuti mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vati vasungwa vese ava vabhadhare madhora zviuru zvishanu pamunhu semari yechibatiso.

Zvaturwa nedare zvatsinhirwa nerimwe remagweta evasungwa ava, VaPaidamoyo Saurombe.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC Alliance, VaTendai Biti, vashora hurumende nekusunga kwayakaita vanhu ava.

VaBiti vakurudzira sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSADC, pamwe nemutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, kuti vashandise chigaro chavo sasachigaro weAfrican Union kugadzirisa zviri kunetsa muZimbabwe vachiti veruzhinji munyika vave kugara muhutapwa.

Mumwe wevanhu vanga vari muhusungwa, VaLoveridge Chinzvende, vabhadhariswa zviuru zvishanu zvemadhora kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Vamwe vevanhu vamiswa mudare vanosanganisira Simon Drury, Tinashe Murapatsa, Nyasha Musendu, Josse Lots, Jessica Drury naTinotenda Muswe.

Zimbabwe activists in court
Zimbabwe activists in court

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti vanhu vanodarika makumi matanhatu vasungwa kusvika pari zvino, vachisungirwa nyaya yekuratifdzira kwanezuro, uye vanhu gumi nevatanhatu vakakuvara uye vanoda kurapwa.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvinoitika mukati menyika, VaKazembe Kazembe ,kuti tinzwe pamire hurumende pane zvataurwa neMDC Alliance izvi.

Asi VaKazembe vakaudza vatori venhau svondo rino kuti hurumende haisi kuzopeta maoko ichisiya vemapato anopikisa vachikonzeresa kusagadzikana munyika kubudikidza nekuratidzira kwavakati hakusi pamutemo uye kwavakati kwaizopinza veruzhinji panjodzi sezvo chirwere cheCovid19 chiri kuuraya vanhu munyika.

Zvichakadai, mapurisa nemasoja nhasi vaswera vachirambidza zvakare veruzhinji kupinda mudhorobha sezvakaitika nezuro pakange pashevedzerwa neveboka reJuly 31st Movement kuti veruzhinji varatidzire vachiti havasi kufara nehuori hwavanoti hwatekeshera munyika.

Mapurisa nemasoja vawedzerawo kuvhara migwagwa yose inopinda mudhorobha zvaita kuti vanhu vashomanana vakwanisa kupinda mudhorobha, zvivatorere nguva yakareba kupinda mudhorobha.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vaudza Studio7 parunhare kuti mauto anofanirwa kunge ari mamakamba awo, asi nepamusana pekuti munyika maita dambudziko reCovid-19, mauto aya ari kubatsira kuona kuti vanhu havasi kutyora mitemo yeCovid-19 Regulations.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG