Accessibility links

Breaking News

Vakavhiringwa neMhirizhonga Muna Nyamavhuvhu 2018 Vorangarirwa


Former South African President Kgalema Motlanthe Commission
Former South African President Kgalema Motlanthe Commission

Vanhu vakakuvadzwa nevakafirwa pamhirizhonga yemuna Nyamavhuvhu gore rapera mushure mesarudzo dzakaitwa vanoti hapana chavati vabatsirwa nacho nehurumende.

Vachitaura mushure mehurongwa hwaitwa nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum senzira yekurangarira vakafa nevakakuvadzwa, mumwe wevanhu vakapfurwa mumhirizhonga iyi, VaLovejoy Munetsi, vati vari kurarama nebara repfuti mumuviri wavo izvo zviri kuvarwadza zvikuru.

VaMunetsi vanoti pavakasangana netsaona iyi, vaizvibvira kubasa vasinei nevairatidzira. VaMunetsi vanoti pari zvino kuripwa kukuru kwavangada kubviswa bara riri mumuviri wavo.

Mumwe wevanhu akakuvara muna Nyamavhuvhu gore rapera, VaDzikamai Chivhanga, avo vaive mutyairi wekombi, vanoti vakakuvadzwa nebara pagumbo.

VaChivhanga vanoti kubva zvavakanovhiyiwa vachibviswa bara iri, havasati vakwanisa kudzokera kubasa. VaChivhanga vanoti ivo nemhuri yavo vari kutochengetwawo, uye vanoshuvira kuti dai hurumende yavaripawo kuti varerukirwe nehupenyu.

Muzvare Precious Mabenga, avo vanotengesa zvinhu mumugwagwa, vanoti vakarohwa zvakaipisisa nemasoja huye vave kurarama nekumwa mapiritsi anonyaradza marwadzo.

Mukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Amai Blessing Gorejena, vanoti havasi kufara nehurumende nekusabatsira vanhu vakakuvadzwa nevakarasikirwa nehupenyu hwevadikanwi vavo pamhirizhonga yaNyamavhuvhu iyi.

Mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Roselyn Hanzi, vanoti zvinovashungurudza kuti mushure megore vanhu vakakuvadzwa nekufirwa, hapana ati aripwa, uye hapana kana musoja ati asungwa.

Mushure memhirizhonga iyi hurumende yakaisa komisheni yaitungamirirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, kuti vaongorere chaive chakonzera mhirizhonga huye kuti chii chingaitwe. Komisheni yaMotlanthe yakabuda negwaro rakakurudzira hurumende kuti vose vakavhiringwa nemhirizhonga iyi, varipwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti hurumende yasvika papi nenyaya yemhirizhonga yakaitwa muna Nyamavhuvhu.

Asi munyori mubazi rezvemutemo, Amai Virginia Mabhiza, vati tivanyorere mibvunzo, iyo tavapa, asi havana kupindura panguva yekuenda pamhepo.

Asi Amai Mabhiza vakamboudza vatori venhau kuti hurumende yakatotanga kuzeya nyaya dzevanhu makumi matatu nevashanu vakashaikirwa nehama dzavo, kana kukuvara pakapfurwa vanhu muna Nyamavhuvhu gore rapera kuitira kuti varipwe.

Mumhirizhonga iyi, sekutaura kwesangano re Zimbabwe Association of Doctors for Human Rights, vanhu vatanhatu vakapfurwa vakafa, uye vanhu makumi maviri nevapfumbamwe vakakuvara zvakaipisisa.

Vakafa musi uyu ndiBrian Zhuwawo, Jealous Chikandira, Challenge Tauro, Gavin Dean Charles, Ishmael Kumire naSlyvia Maphosa.

Nezuro, America yakaisa pazvirango zvehupfumi nekufamba, mukuru aitungamira mauto musi uyu, Retired Major Anselem Nhamo Sanyatwe, pamwe nemudzimai wavo, Amai Chipo Machona Sanyatwe, avo vanomirira Nyanga North muparamende.

Bazi rezvekudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika rinoti harina kufara nekutemerwa kwakaitwa VaSanyatwe zvirango neAmerica, uye rasvitsa nhasi nyunyuto yehurumende kumuriri weAmerica muZimbabwe, AmbassadorBrian Nichols.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG