Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeARTUZ Yoronga Kukwirira kuMatare Gurukota rezveMukati meNyika neMapurisa


Gurukota rezvemukati menyika, VaKazembe Kazembe

Imwe nhengo yesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, Amai Sheila Chisirimunhu, vanove munyori anoona nezvekuyenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi mudunhu reMasvingo musangano iri, vanoti vari kuronga kuendesa vamwe vakuru muhurumende kuti varipwe.

Amai Chisirimunhu vanoti vari kuronga kuendesa kumatare gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe nevamwe vakuru vemapurisa mushure mekunge vasungwa vachiratidzira gore rapera ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi.

Asi mutongo uyu nekuwanikwa kwavo vaine mhosva zvakasendekwa parutivi nedare repamusoro reHigh Court nemusi weChitatu.

Amai Chisirimunhu vanoti kusungwa kwavo kwakavashungurudza zvikuru ivo nemhuri yavo.

Vakasungwa mushure mekuratidzira pamahofisi edzidzo paMucheke, kuMazsvingo musi wa 22 Chikumi gore rapera vachitsutsumwa nemari dziri kutambiriswa varairidzi.

Hatina kukwanisa kubata VaKazembe kuti tinzwe divi ravo sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hurukuro naAmai Sheila Chisirimunhu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG