Accessibility links

Breaking News

ARTUZ Inosvitsa Zvinyunyuto Zvayo Kuna VaMthuli Ncube


Nhengo dzeARTUZ
Nhengo dzeARTUZ

Vadzidzisi vekumaruwa vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, kana kuti ARTUZ, vasvitsa neChina gwaro renyunyuto kugurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, mushure mekufamba netsoka kubva kwaMutare kusvika muHarare vachiratidzira.

Nhengo dzeARTUZ dzasvika muHarare mushure mekufamba netsoka dzichiratidzira kubva kwaMutare dzichiti dzinoda kubhadharwa mari dzemihoro nemadhora ekuAmerica pamwe nekupihwa chimwe chidimbu chemari yekuvatenda pakupera kwegore yebhonasi.

Vasvika pamahofisi ebazi rezvemari, varatidziri ava vambovharirwa mikova nemapurisa anochengetedza pamahofisi aya, vakazovhurirwa kwapera maawa maviri pavanga vari panze pemahofisi aVaNcube aya.

Mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti vazokwanisa kusvitsa gwaro ravo kuhofisi kwaVaNcube.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaNcube panyaya iyi, uye kuti vachabhadhara varairidzi nemadhora ekuAmerica.

Asi vachitaura nevatori venhau svondo rino, VaNcube vakati vose vari kufungidzira kuti vachabhadharwa nemadhora ekuAmerica vari kurota hope masikati machena sezvo nyika isina mari iyi.

Mumwe wevaratidziri ava, VaMcdonald Kondo, vati rwendo rwavo rwekubva kwaMutare rwairwadza sezvo vakasungwa nemapurisa kuMacheke nekuRuwa.

Varatidziri ava vati havasi kuzodzokera kumabasa panovhurwa zvikoro gore rinouya kana vasina kupihwa mari yavari kuda iri yemadhora ekuAmerica.

Murwendo rwavo vachibva kwaMutare, nhengo pfumbamwe dzeARTUZ, idzo dzinosanganisira VaMasaraure, dzakasungwa neMugovera kuMacheke, ndokubva dzazoendeswa kuMarondera, uko vachuchisi vakaramba kuti vamiswe pamberi pedare redzimhosva.

Mushure mekuregedzwa nemapurisa, dzimwe nhengo gumi neina dzesangano iri dzakazosungwa zvakare kuRuwa ndokubva vaendeswa kuHarare Central Police.

Asi dzakazoregedzwa mapurisa achiti dzichadaidzwa kumatare pachishandiswa masamanisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG