Kuramwa mabasa kwenhengo dzesangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, kwapinda muzuva rechina nhasi, sangano iri richiti dzimwe nhengo dzaro dzinosanganisira munyori mukuru, VaRobson Chere, dzave kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori pamwe nenhengo dzebato reZanu PF.
Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF kanawo divi rehurumende panyaya iyi.
Asi mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure vanoti kune vakaita musangano ku Acturus mudunhu reMashonaland East kunove kunodzidzisa VaChere, vachida kuti mudzidzisi uyu abviswe pachikoro ichi.
VaMasaraure vanotiwo hakusi kuActurs chete kwavari kusangana nekutyisidzirwa kwenhengo dzavo, sezvo varairidzi vari kusangano nedambudziko iri mune mamwe matunhu.
Asi vanoti huwandu hwevarairidzi vari kuramwa mabasa huri kuramba huchiwedzera zuva nezuva vachiti ongororo yavo inoratidza kuti varairidzi vangangoda kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana ndivo chete vaenda kumabasa mune zvimwe zvikoro.
Varairidzi vanoti vari kuda kuti mihoro yavo idzoserwe pamari dzavaitambira muna Gumiguru 2018, uye kuti vanyorerane zvibvumirano nehurumende zvekuti vabhadharwe kunyoresa vana bvunzo.
Studio 7 yakundikana kubata mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, kuti tinzwe kuti kuramwa mabasa uku kwakanganisa zvakadii dzidzo muzvikoro?
Facebook Forum