Accessibility links

Breaking News

Vaimbi Vanosanganisira Jah Prayzah Votandadza Vanhu muJohannesburg paZororo reEaster


Jah Prayzah Na Diamond Platnumz wekuTanzania

Vaimbi vane mukurumbira muZimbabwe vanosanganisira Jah Prayzah, Tocky Vibes naFreeman, vari kutarisirwa kufadza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa nemimhanzi pazoro reEaster.

Kuchange kusingadanwi anonzwa neMugovera manheru muJohannesburg apo vaimbi vemuZimbabwe ava vachange vachipakurira mhuri yeZimbabwe pamwe nezvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinogara munyika iyi, nhapitapi yemimhanzi yavo.

Muimbi ane mukurumbira, Jah Preyzah, uyo anozivikanwa nedzimbo dzake dzinosanganisira, 'Mudhara Achauya', 'Kutonga Kwaro', nedzimwewo, acharidza akabatana nevamwe vaimbi, vanosanganisira Tocky, Freeman naDarlington Tonderai Tanganyika, pamwe nevaimbi vemuSouth Africa.

Tanganyika, uyo anozivikanwa nezita rekuti Mofela, akaimba kambo kaita mukurumbira kanonzi 'Chindangundega' kakabva padambarefu rinonzi 'Nhiyo'. Chikwata chake chinonzi Journey Band.

Tanganyika anoti dambudziko guru rakatarisana nechikwata chake, nderekushaya rubatsiro rwemari yekufambisa pamwe nekutenga midziyo yekushandisa.

Tanganyika ari kuvimbisa vatsigiri vake kuti pazuva iri, achange achiimba dzimbo dzake itsva, pamwewo neidzo dzichiri kuita mukurumbira, dzakaita sa'Muka', 'Nzanga', 'Paruzevha', 'Mufaro Wangu', na'Gorekore'.

Mumwe anoimba naTanganyika ndiNicolas Musonza, uyo anoridza nechikwata cheJourney Band.

Chikwata che Journey Band chine muimbi mumwe chete wechidzimai anonzi Monica Chitongo. Chitongo anoti ari kukurudzira mamwe madzimai kuti vapindewo muchikwata chake kuzoimba naye.

Vaimbi vakawanda vekuZimbabwe vari kufarira kuimbira mimhanzi yavo muSouth Africa, sezvo vachiwana mari yakati wandeyi.

Mwedzi unouya, muimbi ane mukurumbira kuchamhembe kweAfrica, Alick Macheso anotarisirwa kunge ari muSouth Africa achitandadza vatsigiri vake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG