Accessibility links

Breaking News

Mabasa Ane Chekuita neTsika neMagariro Okurudzirwa Kuitwa


Gina Haney, Sarah Mpofu naNhlalo Dube
Gina Haney, Sarah Mpofu naNhlalo Dube

Zvakakosha kuti vanhu vanoita mabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu vakoshese zvavanoita nekuve neruzivo rwakakwana rwunoita kuti vagokwanisa kuita izvi nenzira inovawanisa raramo.

Mashoko aya akabuda pamusangano wakaitwa neChitatu muguta reBulawayo.

Mabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu akaita sekuimba, kuita zvemitambo, kana kuveza, anotarisirwa pasi nevanhu vakwanda achionekwa seasina maturo uye vanhu vanoaita, kunyanya vanhukadzi, vachionekwa sevanhu vane hunhu husina kunaka.

Chizvarwa chekuAmerica, Amai Gina Haney, avo vari kushanya munyika pasi pechirongwa cheReciprocal Exchange Visit for Mandela Washington Fellows, ndichipangamazano mukuchengetedzwa kwetiska namagariro evanhu.

Vachitaura pamusangano wekuzeya nezvemikana ingawanikwe nevanhukadzi mumabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu, Amai Haney vakati munyika dzakawanda vanhu vanoita mabasa ane chekuita neizvi vanoonekwa sevasina hany'a nehupenyu, vakatiwo zvakakosha kuti vanhu ava vave neruzivo rwakakwana pamusoro pemabasa avanoita kuitira kuti vasatarisirwe pasi.

Mumwe wevanhu vane mukurumbira munyaya dzemitambo yepaterevhizheni, Amai Sarah Mpofu, avo vaivepowo pamusangano uyu, vakabvumirana nemaonerwo aya.

Vakatsinhirawo kuti vanhukadzi vari mumabsa ane chekuita netsika nemagariro vasade kubudirira mumabasa avo nenzira dzisina kunaka kusanganisira kuita zvepabonde.

Amai Mpofu vakati zvakakosha kuti vanoita mabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu vavewo neruzivo rwemabhizimisi anogona kuitwa mumabasa aya kuitira kuti vasazove vanhu vanofa vari marombe sezvinomboitika pane dzimwe nguva.

Muzvare Fortune Tazvivinga mupepeti wemifananidzo uye vanonyorawo mabhuku evana vadiki.

Muzvare Tazvivinga, avo vakashanya kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship gore rakapera, vakaudza Studio7 kuti mabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu, mabasawo semamwe mabasa ose.

Vakati nekuti ndiko kunobva raramo yevakawanda vanoita mabasa aya, zvakakosha kuti vasaatore kunge dambe.

Vakawanda vaive pamusangano uyu vakabvumirana nepfungwa yekuti zvakakosha kuti vanhu vane ruzivo mumabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu, vabatsire nekudzidzisa vanenge vaine shungu kana kuti vachangotanga kuita mabasa aya.

Kune dzimwe nyika, kunyanya dzakabudirira, mabasa ane chekuita netsika nemagariro evanhu anowanisa vakawanda mabasa anovapa hupenyu hwakanaka.

Mumwe mudzizdzisi uyo akangozvidoma nezita rekuti Nhlangano akarumbidza hurumende nehurongwa hwekukoshesa zvetsika nemagariro evanhu achiti izvi zvichabastira kuti veruzhinji vawonewo kukosha kwazvakaita.

Musangano uyu wainzi “Passion Versus Profession: Opportunities for Women in The Arts, Culture and Heritage Sector” wakarongwa naSibusisiwe Bhebhe weWomen’s Development Media Foundation naButholezwe Nyathi weAmagugu International Heritage Centre.

Vaviri ava ndevamwe vechidiki vakamboendawo kuAmerica pasi pechirongwa cheMandela Washington Fellowship.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG