Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weAPA, VaNkosana Moyo Votarisira Kukunda muSarudzo


Mutungamiri weAPA VaNkosana Moyo
Mutungamiri weAPA VaNkosana Moyo

Mutungamiriri webato re Alliance for People ‘s Agenda(APA), VaNkosana Moyo, ndemumwe wevamwe pavanhu makumi matatu vari kukwikwidza pasarudzo yemutungamiriri wenyika uye vanotarisira kukunda musarudzo iyi.

VaMoyo avo vane makore makumi matanhatu nemanomwe vanoti pavanhu vose vari kukwikwidza ndivo vanotarisirwa kukunda nekutI vane ruzivo nezvehupfumi hwenyika uhwo hwavanoti hunoda kugadziriswa kuti vanhu munyika vave nehupenyu hwakanaka.

Vanotizve kuti nyika igadzirisike inofanira kutungamirirwa nemunhu akadzidza ne zve hupfuni hwenyika uye ane nhoroondo inehumbowo hunotsvagika kuti akambo shandira mune zvehupfumi hwenyika.

VaMoyo vakamboita gurukuta rezve maindastiri nekutengeserana nedzimwe nyika muhurumende ye Zanu PF muna 2000 kwenguva pfupi, vane nhoroondo yekushanidra makambani nema banga makuru anoita nezve mari neupfumi pasi rose.

Vakamboshandira banga repasi rose re World Bank, banga re budiriro muAfrica, re African Development bank kunyika ye Tunisia, Vakazoenda kuEngland vachindoshandira banga re Standard Chatered uye muno vakambotungamira kambani huru ye T/A holdings.

Nekudaro, VaAntony Mushanduri vanoti vanotsigira VaMoyo nekuti vane nhoroondo yakasimba mune zveupfumi uye vanogona kugadzirisa hupfumi hwenyika vakakunda musarudzo.

VaMoyo vanoti kana vakapinda panyanga vachatanga kugadzirisa makambani ehurumende avanoti anofanira kushandirwa nevanhu vaneruzivo rwebasa kwete kupinza vanhu muchizivano nezvematongerwe enyika.

VaMoyo vanoti kuti nyika igadzirise hupfumi havo vachaita kuti vanoita makurukota ehurumende atsvage basa achinyora tsamba dzine magwaro edzidzo anoenderana nebazi ne basa ravanenge vachida, pane kuti vasarudze nemutungamiriri wenyika kubva mubato ravo.

Vanotiwo vacharwisa huori nekuti vanhu vakwanise kurarama zvakanaka vachienda kumabasa apo vane nge vamutsa maindasitiri.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira uye vari mutori wenhau, VaTatenda Chitagu, vanoti kunyange hazvo VaMoyo vane ruzivo nepfungwa dzakanaka dzegadzirisa hupfumi hwenyika, vane mutoro wakakura kuti vakunde musarudzo nekuti vane rutsigiro rushoma nenyaya yenzira yavanohandisa kutsvaga rutsigiro.

VaMasimba Gonese nyanzvi munezve matongerwe enyika vanotiwo, makwikwi musarudzo ye mutungamiriri wenyika ine mabhiza maviri anoti VaNelson Chamisa veMDC Alliance na VaEmerson Mnangagwa we Zanu PF avo vane vatsigiri vakawanda munyika.

Vanoti VaNKosana Moyo vanogona kukundikana musarudzo nekuti vanhu vazhinji munyika vachiri kuvhota vakatarisa mapato maviri makuuru munyika anoti MDC Allince ne Zanu PF.

Asi VaMoyo nebato ravo vanoti vane chivimbo chekuti vanhu vakura mune zvematongerwe enyika havachangotarisi mapato makuru chete.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG