Zviratidzwa zveHarare Agricultural Show zvatanga nhasi paine kurudziro yekuti varimi pamwe nevemakambani ezvicherwa, havafaniri kupokana asi kuti vanofanira kushanda pamwe chete mukusimudzira mabasa avo nehupfumi hwenyika.
Vachitaura pamusangano waitwa kuHarare Agricultural Show wazeya kuti varimi nevemakambani ezvicherwa vangashandidzane sei, mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaVangelis Peter Haritatos, vati hapafaniri kuve nemakakatamwa pakati pevaviri ava asi kuti vanofanira kushanda pamwe chete.
VaHaritatos vatiwo basa rekuchera zvicherwa rinofanira kuitwa pachitevedzwa mitemo yezvekuchengetedza nharaunda vachiti pari zvino pane vamwe vari kungochera pese pese vachiparadza masango nezvimwe zviwanikwa.
Mukuru anoona nemabasa ezvemigodhi musangano reChamber of Mines of Zimbabwe, VaDavid Matyanga, vaudza Studio 7 kuti nyika ine mitemo yakajeka inotaura kuti mabasa ekurima nekuchera zvicherwa anofambiswa sei uye kupoka kuripo kunokonzerwa nekuti mitemo iyi haisi kutevedzwa.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvezvicherwa, VaPolite Kambamura, vatiwo mabasa ekurima pamwe nekuchera zvicherwa akakosha kunyika nekudaro anofanira kudyidzana mukusimbisa hupfumi hwenyika.
Vati muzvicherwa munobva zvakawanda zvinoshandiswa pakugadzira zvinhu zvekurimisa nekudaro makambani ezvicherwa anofanira kutsigira mamabasa ekurima zvakasimba.
VaKambamura vati zvinofadza kuti pane mamwe makambani ezvicherwa akaita seZimplats ave kutotsigira mabasa ekurima.
Mwedzi wapfuura Zimplats yakaisa mamiriyoni gumi nemashanu emadhora ekuAmerica muchirongwa chekuchengeta mombe dzenyama nemukaka munyika yese.
Vakambotungamira sangano reConferderation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vati zvakakosha kuti varimi nemakambani ezvicherwa vashande pamwe chete kuitirakuti nyika iwane chikafu chakakwana pamwe nekusimudzira hupfumi.
Mukuru weZimbabwe Agricultural Soceity, Dr Andrew Matibiri, vati hurongwa hwavo hwegore rino hwatanga zvakanaka chose.
Varimi zana kubva kumativi mana enyika pamwe nemakambani zana nemakumi mashanu nemanomwe ari kuratidzira paShow yegore rino iyo ichavhurwa zviri pamutemo nemusi weChina.
Show yegore rino iri kuitwa pachitevedzwa nzira dzekudzivirira denda reCovid-19 uye vakabaiwa nhomba kana kuvhenekwa ndivo chete vari kubvumidzwa kupinda muShow.
VaMatibiri vatiwo veruzhinji vanokwanisa kuona zvinenge zvichiitika kuShow pamadandemutande akaita seZoom nemamwe.
Facebook Forum