Rimwe sangano rinoshanda rakazvimirira rega rakanyanyonangana nezvekurwisa huwori rakabatana nevamwe vaimbi vane mukurumbira munyika kuita dambarefu rine nziyo dzinotaura pamusoro pehuwori uhu senzira yekuhurwisa.
Nekuda kwekuona kuti dambudziko rehuwori ratekeshera munyika uye riri kukanganisa mararamiro everuzhinji pamwe nehupfumi hwenyika, sangano reZero Tolerance-Wise Youth Trust rakabatana nevamwe vaimbi vane mukurumbira munyika kuita dambarefu rine nziyo dzinotaura pamusoro pehuwori.
Vamwe vaimbi vakashanda nesangano iri chikwata cheExtra Large icho chine kambo kanonzi Huwori Hwawondonga Nyika kanove kamwe kenziyo gumi nenhatu dziri padambarefu rinonzi “Together Against Corruption, Volume 1.”
VaDumisani Mthombeni vanove vakavamba sangano reZero Tolerance-Wise Youth Trust uye variwo mukuru mukuru waro, vanoti vakaona zvakanaka kushanda nevamwe vaimbi vemunyika mukuedza kurwisa huwori.
Jimmie Mangezi uyo anoziikanwa nezita rekuti “Swagga Jim,” ndemumwe wevaimbi wechikwata cheExtra Large icho chakaita mukurumbira nekambo kanonzi ‘Uri Roja.’
Jimmie anoti chikwata chake chagara chichiimba pamusoro pezvinhu zvinoitika zuva nezuva mukurarama kweveruzhinji uye anoti chikwata chake chakaona zvakakosha kushanda nevamwe pakutaura pamusoro pekuipa kwehuwori.
Vamwe vevaimbi vane nziyo dziripowo padambarefu iri vanosanganisira Guspy Warrior, Ngoni Kambarami, Stunner, Trevor Dongo, XQ naShinsoman.
VaMthombeni vanoti vanoona kushandisa zvinhu zvakadai senziyo nemitambo iri nzira inoshanda zvikuru mukuedza kurwisa huwori.
VaMthombeni vanoti sangano ravo rinoshandawo nemapazi ehurumende akadai seZimbabwe Anti-Corruption Commission, mapurisa pamwe nebazi rezvemitemo.
Vanoti shuviro yavo ndeyekupedza huwori munyika.
Facebook Forum