Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inozivisa Kuti Ine Munhu Ane Coronavirus


Zimbabwe yabvuma kuti ine munhu awanikwa aine chirwere cheCoronavirus panguva iyo chirwere ichi chiri kuenderera mberi chichipararira pasi rose.

Gurukota rezvehutano. Dr Obadiah Moyo, vati murume awanikwa aine Coronavirus anogara kuVictoria Falls, mudunhu reMatabeleland North.

Vachitaura paterevhizheni yeZBC-TV, VaMoyo vati munhu uyu ane hutachiona hweCoronavirus akashanyira Britain musi wa 7 Kurume, akadzoka kumusha achipfuura nemuSouth Africa musi wa 15 Kurume.

Vati murume uyu akabva azvichengetedza paakadzoka munyika ndokubva azozivisa chiremba wake apo akatanga kusanzwa zvakanaka.

Vachitaura padandemutande ravo reTwitter neChina, mutauriri wemutungamiri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vakati Zimbabwe iri parumananzombe pekuva nemunhu wekutanga kubatwa neCoronavirus.

Doctor Sibanda vakati pane kushushikana kukuru kuti dzimwe nguva vanhu vakafamba nemunhu uyu, vanogona kunge vakatapurirwa chirwere ichi.

Studio7 haina kukwanisa kutaura naDoctor Sibanda kuti tinzwe zvizhinji.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti muZimbabwe munogona kunge muine vanhu vakawanda vane Coronavirus sezvo vazhinji vavo vasina mari yekuti vanoonekwa navana chiremba kana vachinge vabatwa nechirwere ichi.

Zimbabwe yakatarisana nenguva yakaoma munyaya dzehupfumi zvekuti mabasa ayo ose ekurwisa Coronavirus ari kubatsirwa nemari dziri kubva kumasangano akaita seWorld Health Organization, Global Fund pamwe nedzimwe nyika dzagara dzichibatsira Zimbabwe munyaya dzehutano.

Coronavirus yabata vanhu vanodarika mazana maviri nemakumi manomwe ezviuru pasi rose, uye vanhu vanodarika zviuru gumi nechimwe vafa nechirwere ichi kusvika pari zvino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG