Rimwe sangano rekuEurope raisa Zimbabwe pakati penyika dzisiri kukoshesa hutongi hwejekerere munguva yeCovid 19 izvo zviri kutsinhirwawo nevanorwira kodzero dzevanhu munyika.
Sangano rekuSweden reInternational Institute for Democracy and Electoral Assistance, kana kuti International IDEA, rinoti Zimbabwe ndeimwe yenyika dzisiri kukoshesa hutongi hwejekerere munguva ino yedenda redzihwamupengo reCovid 19.
Dzimwe nyika dzaiswa muchikwata ichi nesangano iri dzinosanganisira Algeria, Bangladesh, Cambodia, China, Cuba, Egypt pamwe neSaudi Arabia,
Sachigaro wesangano reMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe pamwe nekuchamhembe kweAfrica, VaGolden Maunganidze, vati kusungwa kwakaitwa vatori venhau vakawanda munyika vachinzi vatyora mitemo inobata nyaya dzekudzivirira kupararira kwechirwere chedzihwamupengo kana kuti Covid 19 Containment Regulations kunoratidza chokwadi chekuti hutongi hwejekerere hausi kukosheswa munyika.
Vanorwira kodzero dzevanhu vakaita saVaPride Mkono vanoti kusaitwa kwesarudzo dzechipiri dzekutsiva makanzura nenhengo dzeparamende dzakabviswa pazvigaro zvavo kana avo vakafa kwakaitawo kuti zvido zveveruzhinji zvisazadzikiswe ukuwo hurumende ichiti kuita sarudzo idzi kwaizowedzera mukana wekuti vanhu vatapurirane chirwere cheCovid 19 icho chiri kuuraya vanhu vakawanda pasi rose kusanganisira muZimbabwe.
Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaOstallos Siziba, vaudza Studio 7 vari kuMatabeleland South uku kwavari kufamba naVaNelson Chamisa vachionana sevatsigiri vavo kuti vanowirirana negwaro iri sezvo VaChamisa vanga vasiri kubvumidzwa kuita misangano nevatsigiri vavo munguva yeCovid 19 asi mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vachingoita madiro aJojina kuita misangano nenhengo dzebato ravo.
VaSizba vatiwo mhirizhonga ine chekuita nezvematongerwo enyika iri kuitika munyika pari kuitwa misangano naVaChamisa pamwe nekusungwa kwakaitwa nhengo dzebato ravo nguva yapfuura kunoratidza kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe pamire hurumende pamusoro pegwaro re International IDEA iri sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Munyori mubazi ravo, VaNick Mangwana, vanga vasati vapindurawo mibvunzo yatavatumira pataenda pamhepo.
Asi VaMangwana vakamboudza Studio 7 munguva pfupi yadarika panyaya yekusungwa kwenhengo dzebato rinopikisa kuti mutemo hautarise kuti munhu abuda mumba maani vachiti anenge afungidzirwa kuti apara mhosva anonomira nenyaya dzake mumatare ochenurwanematare aya kana kubatwa nemhosva.
Pavakapinda panyanga vachitora mhiko muna Mbudzi 2017, VaMnangagwa vakati hurumende yavo ichaita zvose zvainokwanisa zvinosanganisira kukoshesa kodzero dzevanhu kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekere.
Facebook Forum