Accessibility links

Breaking News

Mhuri yaVaTrump Inotaura Pazuva rePiri reMusangano weRepublican National Convention


Mudzimai waVaDolad Trump, Amai Melania Trump, vachisvika pamusangano webato reRepublican Party, weRepublican National Convention, RNC, muWashington D.C.
Mudzimai waVaDolad Trump, Amai Melania Trump, vachisvika pamusangano webato reRepublican Party, weRepublican National Convention, RNC, muWashington D.C.

Musangano webato riri kutonga reRepublican Party, weRepublican National Convention, wakapinda muzuva repiri neChipiri, nhengo dzebato iri dzichienderera mberi nekushambadza vachamirira bato musarudzo uye vari mutungamiri wenyika, VaDonald Trump.

Vanhu vakataura neChipiri vanosanganisira mhuri yaVaTrump, inoti; mudzimai wavo, Amai Melania Trump, mwanasikana wavo, Muzvare Tiffany, mwanakomana wavo mudiki VaEric Trump, seneta vedunhu reKentucky, VaRand Paul, gweta redunhu reKentucky, VaDaniel Cameron vanove munhu mutema.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaMike Pompeo, ndemumwe wevanhu vakataurawo pamusangano uyu vari muguta guru reIsrael reJerusalem, uko vakaenda nebasa.

VaTrump vakavepowo pachiitiko ichi apo pakatoreswa mhiko vamwe vanhu vave zvizvarwa zveAmerica, chiitiko chakaitirwa kumuzinda weWhite House.

Pavanhu vose vakataura ava, Amai Trump ndivo munhu ari kunzi nevakawanda, kusanganisira chizvarwa cheZimbabwe chiri muWashingtion D.C., VaFrenk Guni, ndivo munhu akataura mashoko ane hudzamu neChipiri manheru.

Asi VaGuni vanoti chiitiko chekuti mhuri yaVaTrump yose inotaura pamusangano wezvematongerwo enyika chinogona kuonekwa sekunge VaTrump vari kusiya gwara ragara richiteverwa nevamwe vatungamiri venyika rekusatonga nemhuri yavo yose.

Mumashoko avo, Amai Melania Trump vakataura nezvedambudziko rechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19 uye kutenda kuzvipira kuri kuita vari kutungamira mukurwisana nechirwere ichi.

Amai Trump vakataurawo zvakare kukosha kwekuwana mukana wekuve chizvarwa cheAmerica kune vanhu vanobva kune dzimwe nyika, vakapa muenzaniso wekuti ivowo vaive chizvarwa chekunze chakazove chizvarwa cheAmerica, chiitiko chavanoti chakazadzisa chiroto chavo cheAmerica, kana kuti American Dream.

VaCameron vakapawo mashoko anopikisana nemashoko akambotaurwa nevachamirira bato reDemocratic Party musarudzo yemutungamiri wenyika, VaJoe Biden, ekuti kana uri munhu mutema, unofanirwa kuvhotera bato ravo kuti usununguke, vachiti ivo munhu mutema asi havasi mungetani, vanozvifungira, uye havafanirwe kuudzwa mavhotero nekuti munhu mutema.

Asi VaGuni vari kushoropodza VaPompeo vachiti semushandi wehurumende havaifanirwa kubuda vachitaura pamusangano webato rezvematongerwo enyika.

VaGuni vanoti America inozivikanwa nekushoropodza vashandi vedzimwe dzihurumende vanenge vachipinda mune zvematongerwo enyika, vachiti kuita kwaVaPompeo uku kunopa mukana vedzimwe nyika kuti vashorewo America.

Asi vanoti dingindira remusangano webato iri rinoratidza kuti rakanangana zvakasimba nekuona kuti VaTrump vadzoka pachigaro, sezvo riri kunyanya kunangana nevatsigiri vavo kuti varambe vakamira navo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG