Accessibility links

Breaking News

Vakasarudzwa seMutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, Votarisirwa Kutoreswa Mhiko neChitatu


Vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, VaJoe Biden votarisirwa kutoreswa mhiko neChitatu.
Vakasarudzwa kuve mutungamiri wenyika, VaJoe Biden votarisirwa kutoreswa mhiko neChitatu.

Chitatu America iri kugadza mutungamiri mutsva, VaJoe Biden, pamwe nemutewedzeri wavo, Amai Kamala Harris, pamabiko achaitirwa muWashington DC., paine kuchengetedzwa nemauto kusati kwamboonekwa munhoroondo yeAmerica pakutoreswa mhiko kwemutungamiri wenyika.

Izvi zvinonzi zvakonzerwa nekutyirwa kuri kuitwa kuti vatsigiri vemutungamiri wenyika ave kusiya basa, VaDonald Trump, avo vakamboratidzira zvine mhirizhonga musi wa 6 Ndira kuCapitol Hill, vangangodzokorora zvakare kuratidzira uku.

VaBiden naAmai Harris vari kutarisirwawo kuremekedza vanhu vannosvika zviuru mazana mana, kana kuti 400 000, vakafa nekuda kwechirwere cheCovid-19 muAmerica pagungano riri kuitirwa muWashington DC.

Segadziriro yekugadzwa, mauto anosvika zviuru makumi maviri nezvishanu, kana kuti 25 000, akaiswa kuti achengetedze guta reWashington DC.

Ivo VaTrump, avo vakazivisa kuti havasi kuzoenda kunoona kugadzwa kwaVaBiden, vari kutarisirwawo kubuda mumuzinda weWhite House neChitatu mangwanani, kuitira kupinda kwaVaBiden.

VaBiden vakabudirira kugadzwa vanenge vave mutungamiri wechimakumi mana nenhanhatu, kana kuti 46, kuchitiwo Amai Harris vachive mudzimai wekutanga kuve mutewedzeri wemutungamiri wenyika.

Dare reseneti ratangawo zvakare kubvunzurudza vanhu vakadomwa naVaBiden kuti vazotora zvigaro zvepamusoro muhurumende yavo.

Vari kutarisirwa kumira pamberi pemakomiti eseneti vachibvunzurudzwa vanosanganisira vakadomwa kuve gurukota rezvemari, Amai Janet Yellen, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAntony Blinken, vakadomwa kuve gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaLloyd Austin, VaAlejandro Mayorkas, avo vakadomwa kuve gurukota rezvemukati munyika, pamwe naVaAvril Haines, avo vakadomwa kuti vave mukuru wevasori.

Chizvarwa cheZimbabwe chiri kuNorth Carolina muAmerica, VaEsau Mavindidze, vanoti vanofadzwa nekuenderera mberi kwehurongwa hwekutoreswa mhiko kwaVaBiden kunyange hazvo pakamboita mhirizhonga.

VaMavindidze vanoti nyaya yemhirizhonga yakamboitika muWashington DC uye iri kutyirwa kuti ingangodzokororwa pamwewo nehuwandu hwemauto akaiswa kudzivirira mhirizhonga mucherechedzo wekuti hutongo hwejekerere chinhu chinofanirwa kubatwa serusvava.

Hurukuro naVaEsau Mavindidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG