Accessibility links

Breaking News

Bumbiro reMitemo Rinovandudzwa keKutanga neNational Assembly


VaLuke Malaba
VaLuke Malaba

Dare reparamende nemusi weChipiri rakavandudza bumbiro remitemo kekutanga kubva zvaraumbwa kuitira kuti ritendere mutungamiri wenyika kuti adome ega mutongi mukuru wematare uye mutevedzeri wake pasina kunzwa pfungwa dzedare reparamende uye bazi rezvemitemo kana sangano reJudiciary Services Commission.

Bumbiro remitemo iri rakavhoterwa nevanhu muna 2013 mushure mekubvumirana kwainge kwaita mapato matatu ainge ari muhurumende yemubatanidzwa anoti Zanu-PF, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, pamwe neMDC inotunganirwa naVaWelshman Ncube.

Bato reZanu-PF ndiro rine vanhu vakawanda mudare reparamende iro rine nhengo mazana maviri nemakumi manomwe.

Nhengo dzeparamende zana nemakumi masere nevaviri dzakavhota kuti bumbiro remitemo rivandudzwe.

Bato reMDC-T rakavhota richiramba kutambira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo uye chikumbiro chebato iri chekuti nhengo dzedare reparamende dzivhote muchiwande chakarambwa nemutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda.

Bhiri iri richaendeswa kudare reSenate uye rikatambirwa rozoendeswa kumutungamiri wenyika kuti uve mutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG