Accessibility links

Breaking News

Biggie Zuze Ochaira Chikepe cheDynamos neSvondo


Murairidzi mutsva weDynamos Biggie Zuze apihwa mukana wekuratidza kuti kukunda kwaakaita Bulawayo Chiefs svondo rapera harisi raki remunhu achangotanga basa.

Kunyange hazvo Zuze akakunda mumutambo wake wekutanga mushure mekunge atora basa kubva kuna Lloyd Mutasa, vateveri veDynamos havasi kugutsikana nezvakaitika vachiti ivo kukunda uku raive raki remunhu achangotanga basa.

Asi Zuze atambidzwa mukana wekuratidza kuti iri harisi raki uyezve kuti ane ruzivo rwekutora basa iri kwenguva refu apo chikwata chake chiri kupinda munhandare neSvondo pachiri kusangana neFC Platinum, iyo ine mukombe weCastle Lager Premier Soccer League. Zuze haana mbiri kana nhoroondo yakasimba munyaya dzehurairidzi, asi kurova kwake “Kugona Kunenge Kudada” nesvondo kunogona kuita kuti asimuke nekuonekwa.

Muteveri weDynamos VaMoses Zambezi, vanoti iyi ndiyo nguva yaZuze yekuratidza zvaakapakatira.

Asi Zuze ane mutoro wakaoma sezvo chikwata chaNorman Mapeza chiri kuziva kuti kudonhedza mapoinzi mumutambo uyu nekukunda kweNgezi Platinum Stars, iyo iri pamusha neBulawayo City, kunovasiya vari pakaoma mukuedza kudzivirira mukombe wavo.

Pari zvino, FC Platinum yakasiiwa neNgezi nemapoinzi mashanu.

Mutambo pakati peDembare neKugona Kunenge Kudada ndiwo mumwe wemitambo yakabaka moto iriko svondo rino.

Mumwe mutambo uri kunyanyotaurwa nezvawo ndeuyo uri muBabourfields Stadium kuBulawayo neSvondo, apo Highlanders iri pamusha nemaGreen Machine eCaps United ayo ari kutatarika mwaka uno.

Panowanzosangana zvikwata zviviri izvi panowanzobuda nhabvu yemhando yepamusoro zvekuti kunyange Makepekepe ari kutatarika, Highlanders ichibvira moto, nhandare ichange yakazara kuti fashu.

Vanoziva zviri kuitika mumutambo wenhabvu VaWinstone Machingauta, vanoti Bosso iri pamberi sezvo mukamba mavo makanyarara, meMakepekepe muine mitauro zvichitevera kurohwa kwavari kungoitwa.

Mimwe mitambo iriko yakamira seizvi:

Mugovera

Chicken Inn v Harare City

Nichrut v Bulawayo Chiefs

ZPC Kariba v Yadah

Svondo

Triangle v Black Rhinos

Shabanie v Chapungu

Mutare City v Herentals

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG