Accessibility links

Breaking News

Mwaka weKutengeswa kweFodya Wotarisirwa Kutanga neChitatu Varimi Vachitarisira Mutengo Unogutsa


Musika wefodya muHarare

Mwaka wekutengeswa kwefodya uri kutarisirwa kutanga neChitatu misika yefodya ichivhurwa, ukuwo varimi vachiti vanotarisira mutengo unovagutsa pamwe nekuti vazokwanisawo kugadzirira kudzoka mumunda mwaka unotevera.

Mutungamiri werimwe sanganonrinomirira varimi, reZimbabwe Integrated Commerciial Farmers’ Union, uye varimi murimi kuMacheke, Amai Maivepi Jiti, vanoti mwaka nemwaka varimi vanenge vachingochema nemutengo unozotengwa nawo fodya yavo, izvo zvinozoita kuti vakundikane kudzora mari dzavanenge vakashandisa, uye kutengawo zvikwanisiro zvekuzorima nazvo mwaka unotevera.

Amai Jiti vanoti nekuda kwekunaya zvakanaka kwemvura mwaka uno vanotarisirawo goho rakanaka richazopa varimi mutengo wakanaka.

Asi vanokurudzira kuti mabhanga aiswe munzvimbo dzinorerukira varimi, uye kuti vasazonetseka kuwana mari dzavo kumabhanga pavanenge vodzida.

Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, vanoti mwaka uno varimi vefodya vachawana zvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvemari iri mari yekunze uye zvikamu makumi mana kubva muzana iri mari yemunyika yema RTGS.

Mashoko aVaMasuka aya anouya apo varimi vefodya vakawanda vachinzi vanga vasiri kuziva kuti vachabhadharwa sei mukutengeswa kwefodya gore rino.

Ukuwo, mutevedzeri wavo, VaVangelis Haritatos svondo rapera vakaudza bepanhau reThe Herald kuti bazi ravo rakanga ragutsikana negadziriro yemisika yefodya, uye kutevera kwavo mitemo yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Amai Jiti vari kuyambirawo varimi kuti vangwarire kuchirwere cheCovid-19, uye kuti vasafamba usiku sezvo izvi zvikwezva mbavha.

Hurukuro naAmai Maivepi Jiti
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG