Accessibility links

Breaking News

Varimi Voyambirwa Pamusoro peChirwere Chinobata Zvipfuyo cheJanuary Disease


Cattle

Nyanzvi mune zvekurima dziri kuyambira vanhu kuti vasakanganwa kuti mwedzi uno, waNdira, zvichienda mberi, inguva yechirwere chezvipfuyo, cheJanuary Disease, chinokonzerwa nezvishambwe panguva ino yekunaya kwemvura.

Munyori mukuru wesangano rinomirira varimisi, reZimbabwe Agricultural Professionals and Technical Association, VaZivaishe Zhou, vanoti varimi vanofanirwa kuchenjerera chirwere ichi, vachiti chinogona kunetsa pakati pemwedzi waNdira kusvika mumwedzi waKurume.

Asi vanoti chinogona kuramba chichinetsa kusvika mumwedzi waNyamavhuvhu, sezvachakaita gore rapera.

VaZhou vanoti sangano ravo rinorumbidza hurumende pamatanho ayakavimbisa kutora panyaya yemadhibha kuti zvipfuyo zvevanhu zvichengetedzwe.

Vanoti hurumende yakavimbisa kuvaka zviuru zvemadhibha munyika.

VaZhou vanokurudzira vanhu kuti vateerere zvavanoudzwa nenyanzii dzezvekurima, vakaita sevadhomeni, vachiti ino inguva yechirwere ichi chinogona kuvhiringa mombe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG