Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kupa Zvikwanisiro Zvayakavimbisa Vashandi


Sangano rinomirira vashandi mubazi rezvekurima, reZimbabwe Agricultural Professionals And Technical Association (ZAPTA), rinoti hurumende haisi kuzadzikisa zvizhinji zvayakavimbisa vashandi mumisangano yavakaita navo.

Munyori weZAPTA, VaZivaishe Zhou, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rave nenguva richiudza hurumende kuti vashandi havana zvikwanisiro zvekuita mamwe mabasa anodiwa nehurumende musi wa 21 Zvita 2020 usati wapfuura, asi vachiti hurumende haisati yavapa zvikwanisiro izvi, zvinosanganisa michina inoratidza nzimbo dzepakashandwa muchirongwa che Pfumvudza, kana kuti GPS Coordinates.

VaZhou vanoti nyaya iyi yakataurwa nezvayo mumusangano wavakaita masvondo maviri apfuura, hurumende ikavimbisa kuti ichagadzirisa nyaya iyi.

Vanoti kusvika parizvino, hapana chati chaitwa.

VaZhou vanoti vanotya kuti vashandi vanozopomerwa mhosva yekuti vatadza kuita basa munguva yakatarwa ivo vasina zvikwanisiro zvacho.

Takabata mukuru anoona nezvevashandi mubazi iri, VaGibson Chijarira, vakati titaure nemukuru we Agritex, VaStancilae Tapererwa, avo vatatadza kubata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG