Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vari kuparura chirongwa chekurima, cheAgribusiness Conference neChitatu kunhandare ye Harare Show Grounds muHarare, uko kuri kurarisirwa kusangana vemabhizimusi, varimi pamwe nehurumende kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Dingindira regore rino rinotarisa kubva kwezvirimwa muminda zvichipinda mumaindasitiri uye kubatanidza mapoka maviri aya mune zvebudiriro, kana kuti ‘Field to Industry: Produce, Connect and Develop,’ .
Mumwe wevatevedzeri vemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi vari kutarisirwawo kuve munyarikani vakakokwa kuzotaura pamusangano wevarimi nevemigodhi weMinex uri kuitirwazve munhandare yeHarare Show Grounds musi mumwechetewo.
Chishanu VaMnangagwa vari kutarisirwawo kuzovhura showo yevarimi nevanoshambadza zvigadzirwa yegore rino zviri pamutemo. Varimi nevemakambani anoshanda nevarimi vanotarisira zvizhinji kubva mumisangano iyi.
Nyanzvi mune zvekurima vachishanda nesangano reTotal Farm Solutions, VaTapiwa Mugabe vanoti showo yezvekurima inopa varimi mukana wekudzidza zvitsva zvinenge zvaunzwa pamisika nevanogadzira zvinhu, sezvo zvinhu zviri kuramba zvichishanduka.
Facebook Forum