Accessibility links

Breaking News

Afrobarometer Inoti Vanhu Vazhinji muZimbabwe Vanoda Mabasa


Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo
Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo

Sangano reAfrobarometer, iro rinoita ongororo munyika dzemuAfrica, rinoti vanhu vakawanda zvikuru muZimbabwe vanoti nyaya yavanoda kuti igadziriswe nehurumende inyaya yemabasa.

Ongororo iyi inoti zvimwe zviri kunzi nevanhu zvigadziriswe inyaya yemigwagwa, dzidzo, kubatwa kwehupfumui, mvura nezvimwe.

Vakawanda vari mumadhorobha ndivo vari kuti vari kuda kuti nyaya yemabasa igadziriswe nechimbichimbi vanova zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana zvichienzaniswa nezvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana kumaruwa.

Hurumende inoti hayo vanhu vakawanda vari kushanda munyika nekuti vari kuzviitira mabasa emaoko.

Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti ongororo yeAfrobarometer iyi yakafanana neyavakaita iyo yakaratidzawo zvimwe chetezvo panaya yemabasa.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG