Sangano reAfrobarometer, iro rinoita ongororo munyika dzemuAfrica, rinoti vanhu vakawanda zvikuru muZimbabwe vanoti nyaya yavanoda kuti igadziriswe nehurumende inyaya yemabasa.
Ongororo iyi inoti zvimwe zviri kunzi nevanhu zvigadziriswe inyaya yemigwagwa, dzidzo, kubatwa kwehupfumui, mvura nezvimwe.
Vakawanda vari mumadhorobha ndivo vari kuti vari kuda kuti nyaya yemabasa igadziriswe nechimbichimbi vanova zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana zvichienzaniswa nezvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana kumaruwa.
Hurumende inoti hayo vanhu vakawanda vari kushanda munyika nekuti vari kuzviitira mabasa emaoko.
Asi munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions VaJaphet Moyo vanoti ongororo yeAfrobarometer iyi yakafanana neyavakaita iyo yakaratidzawo zvimwe chetezvo panaya yemabasa.
Facebook Forum