Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeAfrobarometer Inoti Vakawanda Vanoda Mubatanidzwa weMapato Anopikisa


Ongororo yakaitwa muZimbabwe neAfrobarometer ichitungamirwa neMass Public Opinion Institute, kana kuti MPOI, inoratidza kuti vanhu vakawanda munyika vari kufarira hurongwa hwekuti vemapato anopikisa vaumbe mubatanidzwa wekukwikwidzana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, musarudzo dzemuna 2018.

Pavanhu vakabvunzwa, zvikamu makumi mana nezvishanu kubva muzana, vakati vanowirirana nepfungwa iyi, zvikamu makumi maviri nezvisere kubva muzana, vachiti havatenderane nepfungwa iyi, ukuwo zvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana, vachiramba kutaura.

Vanoda mubatanidzwa kunyanya, vatsigiri veMDC-T zvikuru muBulawayo neHarare.

Asi ongororo iyi inoratidzawo kuti dai sarudzo dzakaitwa munguva yaibvunzwa vanhu, kubva musi wa 28 Ndira kusvika musi wa 10 Kukadzi 2017, zvikamu makumi matatu nezvisere kubva muzana, vaivhotera Zanu-PF, zvikamu gumi nezvitanhatu kubva muzana, vachivhotera MDC-T, uye zvikamu zvina kubva muzana, vachitsigira Zimbabwe People First.

Asi chiri kukatyamadza nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inyaya yekuti pane vanhu vakabvunzwa ava, zvikamu makumi maviri nezvina kubva muzana, vakaramba kupa pfungwa dzavo.

Izvi ndizvo zvinonzi nevamwe munongedzo wekuti vanhu vanotya kutaura vakasungunuka.

Vakatungamira ongororo iyi muZimbabwe vachishanda neMPOI, VaStephen Ndoma vanoti ongororo iyi yakaitwa mumatunhu gumi ose enyika.

Hurukuro naVaStephen Ndoma
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Center, VaEarnest Mudzengi, vanoti vanowirirana neongororo panyaya yekuti vakawanda munyika vanoda mubatanidzwa wemapato anopikisa.

Asi vatiwo chikuru chinodiwa muZimbabwe isarudzo dzakachena.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG