Accessibility links

Breaking News

Peter Wetzlar Arikumirira Zimbabwe Otarisirwa Kutuhwina neChipiri kumaOlympics


Donata Katai
Donata Katai

yekuTokyo, J Mitambo yemakwikwi eTokyo Olymplics 2020 ari kuitirwa kuJapana uko Zimbabwe iri kukwidzawo iri kuenderera mberi nyika dzemuAfrica dzichitatarika kuwana menduru.​

Mushure mekukundikana kwevatambi vaviri vakatanga kumiriira nyika, Donata Katai naPeter Purcell Gilpin Zimbabwe yave kutarisira kuna Werztla ari mumakwikwi ekutihwina e100m freestyle. Wetzlar achanhopedza zvidzidzo zvake paUniversity of Kentucky muAmerica.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Olympic Committee VaThabani Gonye vanoti vari kufadzwa nekutuhwina kwakaita Donata uyo akakunda muchikamu chake asi akazotadza kuenderera mberi sezvo pane dzimwe nyanzvi dzaive nenguva yakakunda yake zvakazoita kuti asakanise kuenderera mberi kuchikamu chinowanisa mamenhuru.

Vanoti vanetarisiro yekuti Donata achashura mare mugore ra2024 kumakwikwi eFrance Olympics 2024 sezvo achiti mudiki.

“Tinofara nekutuhwina kwakaita Donata sezvo akakwanisa kusimudza mureza wenyika uye tine tarisiro yakuti achawana menhuru kumakwikwi ekuFrance egore ra2024.” VaGonye vaudza Studio7.

Peter mumwe wevatambi anoita zverowing haana kubudirira zvakare kuenda kachikamu chewana menduru asi VaGonye vanoti akafadza vazhinji uye akakwanisa kuratidza hunyanzvi hwake pamakwikwi aya.

Parizvino nyika ine mhenduru dzakawanda iJapan ichiteverwa neAmerica, China neRussia. MuAfrica nyika dzawana mhenduru kusvika parizvino dzinosanganisira, Tunisia, Egypt neIvory Coast.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG