Accessibility links

Breaking News

Dynamos Yosangana neHighlanders Apo Iri Kutatarika


Dynamos

VePremier Soccer League svondo rino varonga mitambo miviri pachikwata chega chega kutanga neChina kusvika neMuvhuro apo pachatambwa mutambo mukuru weBattle for Zimbabwe Part 1 pakati peDembare neBosso muRufaro Stadium.

Mutambo uyu uri kuuya apo vatsigiri veDynamos vakabuda muNational Sports Stadium vachizunguza misoro yavo nemusi weSvondo mushure mekunge chikwata chavo chakatatarika zvekare.

Chikwata chine mukurumbira ichi chakatungamira 3-0, ndokudzorwa neShabanie Mine mumutambo uyo wakapera uri mangange 3-3 izvo zvisina kufadza vatsigiri vavo, avo vaitarisira mapoinzi ese matatu.

Izvi zvinotevera kurohwa kwakaitwa Dynamos 1-0 neChicken Inn svondo rapera. Mumwe mutsigiri weDynamos VaKhumbulani Mabhorobha vanoti vari kuona kusapihwa mari kwevatambi vavo chiri icho chikonzero chekusatamba zvakanaka kwechikwata chavo.

Vatambi veDynamos vakaita saChristian Epoupa uyo ari kuramwa basa nakaputeni wavo Ocean Mushure havasati vapihwa mari dzavo dzemwaka wapera.

Vamwewo vatambi vanonzi havasati vapihwa mari iyo vakabvumirana kuti vachapihwa nekutambira Dembare mwaka uno.

Asi mumwe mutsigiri weDembare Muzvare Judith Nyatsanza vanoti ino hasisi nguva yekukandirana matombo vachiti ivo pari kudiwa kubatana kwevatsigiri vese veDynamos kuti chikwata chavo chisimuke zvekare.

Mamiriro akaita zvinhu mumusha weDynamos auya panguva iyo Dembare yakatarisana nemutambo mukuru weBattle for Zimbabwe Part 1 uyo vari kusangana neHighlanders neMuvhuro musi wa 2 Kubvumbi.

Asi Highlanders haina matambudziko akadai mushure mekutora mamwe mapoinzi matatu apo yakarova Herentals mushure mekushanya muNational Sports Stadium nezuro.

Highlanders yabatana neNgezi Platinum Stars iyo yakarova Triangle 2-0, pamwe neFC Platinum iyo yakadambura Yadah 2-0 neMugovera sezvikwata zvitatu zvatora mapoinzi ese matanhatu kubva mumitambo miviri yatambwa kusvika parizvino.

Mimwe mitambo yaiveko yakapera seizvi….

Mutare City Rovers 2 Chapungu 3

Black Rhinos 2 ZPC Kariba 0

Harare City 1 Bulawayo City 0

Nichrut 0 Chicken Inn 0

Bulawayo Chiefs 2 Caps United 2

Kwatambwa mitambo miviri, zvikwata zvina zviri pamusoro soro ndeizvi…

FC Platinum 6 points

Ngezi Platinum Stars 6 points

Highlanders 6 points

Shabanie Mine 4 points

Zvikwata zvina zviri pasi pasi ndeizvi..

Mutare City Rovers 0 points

Triangle 0 points

Herentals 0 points

ZPC Kariba 0 points.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG