Accessibility links

Breaking News

Vasina Kuwana Mapepa muSouth Africa Voramba Kudzokera kuZimbabwe


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvisina kuwana mapepa zvinonzi hazvisi kuda kudzokera kumusha pasi pechirongwa chekudzokera pasina kumanikidzwa nehurumende yaVaJacob Zuma.

Vanhu ava vanoti hapana chekudzokera kumusha sezvo zvinhu zvakaoma kuZimbabwe.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko muZimbabwe Exiles Forum, Muzvare Diana Zimbudzana, vanoti vanhu vakawanda vari kusarudza kuenda kune dzimwe nyika dzemuAfrica pane kudzokera kumusha sezvo zvinhu zviri kuramba zvichioma munyika.

Muzvare Zimbudzana vaenderera mberi vachiyewuchidza zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zvakanyorera mapepa ema Zimbabwe Special Permits kuti zviende kunotora mapepa avo sezvo hurumende ye South Africa iri kuti vasina kutora mapepa aya panopera Gunyana, vanokwanisa kuzoshupika.

Hurukuro Na Muzvare Daina Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG