Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu PF Inomirira Zaka East muParamende, VaMukanduri, Vanoshaya


Mureza weZimbabwe
Mureza weZimbabwe

Nhengo yeParamende yeZanu PF kuZaka East , VaSamson Mukanduri vashaya.

VaMukanduri, avo vanonzi vaive vamwe vechikwata cheG40, vanonzi vafuma vakashaya mumba mavo mubhuku rekwa Chiroro mudunhu raShe Nhema.

Vanonzi neSvondo vakaswera kumusangano webato ravo uyo waigoverwa mupunga kune vanhu vakanyoresa kuvhota avo vaitanga vabudisa tsamba dzehuchapupu hwekunyoresa.

Mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo VaRonald Ndava vanoti bato ravo rarasikirwa zvikuru nekushaika kwaVaMukanduri uye hurongwa hwekuchengetedzwa kwavo hausati hwabuda.

Mune imwewo nyaya, nhengo makumi maviri nevatatu vakabvumidzwa kudzoka mumusangano weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai mushure mekunge vambosiya bato iri vachienda kubato re People’s Democratic Party ne National People’s party.

Panhego idzi dzakadzoswa pamusangano wedunhu reMasvingo wakaitwa nezuro, pane vaimbova Nhengo yeParamende kuZaka North, VaEnerst Mudavanhu, VaHeya Shoko vaiva nhengo yeParamende kuBikita South pamwe naMuzvinafundo William Zivenge, avo vanofundisa pachikoro cheGreat Zimbabwe University.

Vatatu ava vasati vaenda kune mamwe mapato vaivazve nhengo dzedunhu reMasvingo, VaMudavanhu vari munyori anoona nezvekurongwa kwemusangano muMasvingo.

Mutevedzeri wemutauriri we MDC-T muMasvingo VaSimon Mupindu vanoti hutungamiriri hweMasvingo hwakawirirana kudzosa vanhu ava kuti vashande vose mukuzama kubvisa hurumende ye Zanu PF pasarudzo dze gore rino.

"Chinhu chimwechete chatinotevera mashoko aPresident wedu VaMorgan Tsvangirai, avo vakati vanhu vose ngavadzoke ku bigger tent tishande pamwe chete for the same cause yekuti tinoda kusudurutsa Zanu PF nokuti tinoda kuisa hutongi hwevahu. Saka isu tava tambira kuti huyai tishande pamwechete nekuti ma realizer kuti makange matsauka mune hwaro hwevamwe, tinongovadzosa zvichinderana nemutemo weconstitution yeparty," VaMupindu vanodaro.

VaShoko vanoti vari kufara chose nekubvumidzwa kudzoka mubato iro ravakabatsira kuvamba mugore ra 1999 , vachiti vadzoka kuzopedzisa basa ravakatanga nevamwe vavo rekubvisa Zanu PF panyanga.

VaMudavanhu vatendawo vakatsigirawo zvakataurwa nemumwe wavo vachiti vanofarawo kudzoka kune rukuvhute rwavo mune zvematongerwe enyika.

Pamusangano uyu MDC-T yakati yagadzirira kupinda mumaruwa semubatanidzwa weMDC-T Alliance kuti ichitange kutsvaga rutsigiro muvanhu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG