Vaimbove mutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli, varadzikwa nhasi kumusha kwavo kwavakaberekerwa mudunhu re Chato ku Tanzania kwakare. VaMagufuli vakashaya nechirwere chemoyo svondo rapera.
VaMagufuli vakafa vava nemakore makumi matanhatu nerimwe chete.
Zvichitevera kushaya kwavo, mutevedzeri wavo, Amai Samia Suluhu Hassan, ndivo vakagadzwa semutungamiri mutsva wenyika iyi, sezvinodiwa nebumbiro remitemo yeTanzania.
Zviuru nezviuru zvevanhu vemunyika iyi vakachema VaMagufuli zvine mutsindo svondo rino.
Mutungamiri wenyika, vaEmmerson Mnangagwa, vakaendawo kuTanzania kunobata mawoko.
Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF Doctor Masimba Mavaza, vanoti VaMagufuli vacharangarirwa nekurwisa huwori munyika yavo pamwe nekugadzirisa migwagwa nemamwe mabasa akanaka.
Asi vanoti VaMagufuli vangazongoshorwa nevamwe nemabatiro avakaita denda rechirwere che Covid-19.
Facebook Forum