Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vochema Chema neMapisiro eKunze


Mukuru wezvemamiriro ekunze reMetereological Department VaTich Zinyemba vanoti kupisa kuri kuita kunze hakunganzi kwapisa zvine nhoroondo kana kuti Heat Wave.

Izvi zvinotevera kuchema chema kwevamwe vanhu kuti munzvimbo dzavo muri kupisa zvakanyanya.

VaZinyemba vakurudzira veruzhinji kuti vamwe mvura yakawanda panguva iyo kunze kuri kupisa parizvino. Vaenderera mberi vachiti kune dzimwe nzvimbo nhasi kwambo pfunha pfunha mvura zvaita kuti pave nedonhodzo shoma.

"Tinokurudzira veruzhinji kuti vanwe mvura zhinji sezvo kunze kuri kupisa asi pari zvino hatingati iheat wave sezvo iyi ichiitika kwema zuva mashanu zvichidarika," VaZinyemba vaudza Studio 7.

Gore rino, mudzvimbo zhinji munyika makambosangana nekupisa kwakanyanya kunzvimbo dzakaita se Beitbridge.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG