Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaEmmerson Mnangagwa, Vanoparura Bhuku reNhoroondo yeAfrica


Bhuku rakaparurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa rinobata nhoroondo yeAfrica yose.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaparura bhuku rinove rekutanga rinodonongodza nhoroondo yekusununguka kweAfrica ichibva muAfrica.

Bhuku iri rakaparurwa pamabiko akaitirwa kumuzinda weState House neChitatu.

VaMnangagwa vakaparurawo motokari ichange ichishanda semiziyemu ichi ratadziwo nhoroondo yeAfrica, iyo ichange ichitendererawo munyika dzemuAfrica.

Vachiparura bhuku iri, mutungamiri wenyika vakati kwenguva ndefu pasi rose ranga richiburitsa Africa sedunhu rizere nematambudziko, vachiti ibasa revana veAfrica kugadzirisa nekutwasura muono iwoyo.

Vakati aka ndekekutanga kuti nhoroondo yeAfrica itaurwe nemaonero evemuAfrica.

VaMnangagwa vakati bhuku iri rinoburitsa pachena kutambura kwenyika dzemuAfrica mukuda kwadzo kuti dziwane kuzvitonga, pamwe nekubudirira kwevana veAfrica munhoroondo yavo yakareba.

Bhuku rakaparurwa naVaMnangagwa iri rinonzi rinotarisirwa kuzoshandiswa mudunhu rose muzvidzidzo zvenhoroondo yeAfrica, uye rakaunganidzwa neInstitute of African Knowledge.

Vamwe vakave pamabiko aya vanosanganisira mumiriri weSouth Africa muZimbabwe VaMphakama Mbete, sachigaro veInstitute of African Knowledge, VaSimbi Mubako, pamwe nevamwe vakuru muhurumende.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanotambira chose bhuku iri nekuti ndiro rekutanga kuburitsa izwi revana veAfrica pasina kunyeperwa nevakanyora nhoroondo yeAfrica iri kuzivikanwa pasi rose pari zvino, vanove vachena.

VaChirumhanzu vanoti vakawanda vanotevera nhoroondo yeAfrica vanonoti bhuku iri rakanonoka kuburitswa kuitira kugadzirisa nhoroondo yanga yakarerekera divi rimwechete iyi.

Vachipindura mubvunzo wekuti bhuku iri harizoonekwi here nemaonero akangofanana nemaonerwo anga achiitwa zvinyorwa zvevachena pamusoro peAfrica, VaChirumhanzu vanoti bhuku iri harineyi nekufadza vekunze, asi kuti rinofanirwa kutambirwa nezvizvarwa zveAfrica.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG