WASHINGTON DC —
America yakarangarira nemusi weMuvhuro mabasa akaitwa nemurwiri werusununguko nekodzero dzevanhu vose munyika iyi, muchakabvu Dr Martin Luther King Jr.
Dr King vakaita mabasa aya panguva iyo vanhu vatema vakange vakadzvinyirirwa mu America vasina masimba ekuvhota uye vachiitirwa rusarura ganda.
Nyanzvi yezvematongerwo enyika, Doctor Moses Rumano, vaudza Marvellous Mhlanga-Nyahuye weStudio7 kuti Zimbabwe inogona kudzidza zvakawanda kubva kumabasa akabatwa na Dr King ekurwira kodzero dzevanhu.
Facebook Forum