Accessibility links

Breaking News

Varwiri veKodzero Vogara Vakabatira Ura Mumaoko Vachitya Kusungwa


ZRP Bulawayo
ZRP Bulawayo

Varwira kodzero dzevanhu vanoti havasi kukwanisa kuita basa ravo nemazvo sezvo vari kushungurudzwa nevasori avo vari kuuya kumisangano yavo pamwe nekumahofisi avo.

Nhengo dzemasangano akasiyana siyana muMasvingo dzinoti dzave kugara dzichityira hupenyu hwadzo mazuva ose sezvo dziri kutyisidzirwa nevasori.

Amai Lucia Masekesa veSangano reMasvingo Residents Association, vati kushanda kwavo kwava kunetsa nekuti vari kuvingwa kumabasa nekudzimba vachishungurudzwa nevasori vehurumende.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano re Community Tolerance and Development Trust, VaBrighton Ramusi, vati kubva zvakasungwa mukuru wavo, VaGamuchirai Mukura, nevamwe vatanhatu vachibva kumusangano wakaitirwa kuMaldives, vari kuvingwa pabasa nevasori zuva nezuva vachibvunzwa mibvunzo yakasiyana siyna.

Vati vari kubvunzwa pamwe nevagari vemumaruwa mavanoshandira kuti vari kudzidzisa vanhu zvehondo here sezvo mukuru wavo ari kupomerwa mhosva yekuenda kunze kwenyika kundodzidziswa zvekushandisa zvombo mukupidigura hurumende.

Vanhuwo zvavo vanoenda kumisangano yezvekodzero dzevanhu kana mimwe misangano inotaura nezvekumira kwakaita hupfumi hwenyika, havachakwanisi kutaura pfungwa dzavo vakasununguka sezvo misangano iyi iri kupindwa nevasori.

VaHardLife Mapingure ve Masvingo Human Rights Trust, vati kuvepo kwevasori pamisangano yavo kunoita kuti vagari vatye kutaura pfungwa dzavo pamisangano iyi.

Gurukota rezvekubudiswa kwe mashoko, Amai Monica Mutsvangwa, havana kuda kutiudza pamire bazi ravo panyaya yevasori ava vachiti vange vari mumusangano.

Ukuwo munyori mubazi ravo, VaNick Mangwana, vange vasingadairi nhare yavo.

Mugari wekuMasvingo, VaTapiwa Gondo, vati zviri kuitwa nevasori izvi zvinoratidza kuti hapana musiyano pakati pe hutungamiriri hwaVaEmmerson Munangwagwa nehutunganiri hwaivepo apo VaRobert Mugabe vaive panyanga vasati vabviswa nemauto muna Mbudzi 2017.

VaMukura nevamwe vavo havana kukwanisa kupihwa mukana wekubhdhara mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo sezvanga zvakatarisirwa.

Vasungwa ava vacharamba vari mujeri kusvika musi wa Chikumi 7.

Mutauriri wesangano remagweta ari kumirira vasungwa ava reZimbabwe Lawyers for Human Rights, Va Kumbirai Mafunda, vati mutongi wedare ati achapa mutongo wake nemusi weChishanu svondo rinouya apo achange apedza kunyora mutongo wake waachatura.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG