Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri neVatatu Vokwikwidza Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Vanhu makumi maviri nevatatu vakanyoresa nezuro kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika iyo ichakwikwidzwa musi wa 30 Chikunguru gore rino.

Aka ndekekutanga vanhu vakawanda zvakadai kunyoresa kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika, uye kari kekutanga sarudzo iyi ichiitwa vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasingakwikwidze.

Vane mazita akanyoreswa neChina vanosanganisira mutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Dambudzo Mnangangwa; mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa; mutungamiri weMDC-T, Doctor Thokozani Khupe; mutungamiri wePeople’s Rainbow Coalition, Amai Joice Teurai Ropa Mujuru; mutungamiri weCoalition of Democrats, VaElton Steers Mangoma; mutungamiri weAlliance for the People’s Agenda, VaDonald Nkosana Moyo; mutungamiri weNational People’s Front, VaAmbrose Mutinhiri nevamwe.

Vamwe vakanyoresa vanoti:

Lovemore Madhuku – National Constitional Assembly

Daniel Shumba – United Democratic Alliance

Noah Ngoni Manyika – Build Alliance Zimbabwe

Joshua Makamba Busha – FreeZim Congress

Johannes Tonderai Chiguvare – People’s Progressive Party

Melba Dzapasi – #1980 Freedom Movement Zimbabwe

Peter Mapfumo Gava – United Democratic Front

Kwanele Hlabangana – Republicans Party of Zimbabwe

Divine Mhambi Hove – National Alliance of Patriotic Democratic Republicans

Blessing Kasiyamhuru – Zimbabwe Partnership for Prosperity

Violet Mariyacha – United Democratic Movement

Taurai Bryn Mteki – Independent

William Taonezvi Mugadza – Bethel Christian Party

Tendai Peter Munyandiri – New Patriotic Front

Herry Peter Wilson – Democratic Opposition Party

Vakange vakamirira VaMnangagwa, uye vari gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakati kunyoreswa kwevari kukwikwidza sarudzo yemutungamiri wenyika kwakafamba zvakanaka chose.

Ukuwo vakanga vakamirira VaChamisa, VaJameson Timba vakatiwo zvinhu zvakafamba zvakanaka mukunyoresa mutungamiri wavo.

Vakange vakamirira Muzvare Khupe, Amai Priscillar Misihairrabwi Mushonga, vakati vanotarisira kuti sarudzo dzichaitwa murunyararo.

Asi pane vamwewo vakabva padare vasina mufaro mushure mekunge magwaro avo asina kutambirwa bekuda kwezvikonzeero zvinosanganisira kuti vamwe vanhu vange vakavadoma vange vasiri mugwaro revavhoti.

Vamwe vacho ndaVaLangton Toungana, avo vange vakazvimirira naVaDaniel Chingoma veZimbabwe Industrial Development Party.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti makwikwi makuru ari pakati paVaMnangagwa naVaChamisa, kozitiwo Muzvare Khupe naAmai Mujuru vachitevera vari kumashure.

Sarudzo yemutungamiri wenyika iri kuitwa kekutanga mumakore makumi matatu nemsere vaimbove mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vasingakwikwidzi zvichitevera kupidigurwa kwavakaitwa nemauto muna Mbudzi gore rapera.

Akawo ndekekutanga mumakore gumi nematanhatu vaimbove mutungamiri weMDC, muchakabvu Morgan Tsvangirai, vasiri kupinda musarudzo yemutungamiri wenyika kubva muna 2002 zvichitevera kushaya kwavo muna Kukadzi gore rino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG