Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVashanyi Horamba Huchikwira muZimbabwe


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe
Mukuru wesangano re Zimbabwe Tourism Authority, Va Karikoga Kaseke, vanoti huwandu hwevanhu vakashanyira nyika mukutanga kwegore rino hwakakwira nezvikamu gumi nezviviri kubva muzana, kana zvichienzaniswa nevanhu vakapinda munyika nguva imwe cheteyo gore rapera.

VaKaseke vanoti vashanyi vakapinda munyika panguva iyi vanodarika mazana masere ezviuru kana zvichienzaniswa nevashanyi mazana manomwe nemakumi matanhatu ezviuru vakashanya gore rapera.

VaKaseke vanoti izvi zvakakonzerwa nezvirongwa zvakaitwa nesangano ravo zvekunakisa chimiro cheZimbabwe. VaKaseke vanoti nyika dzakadai se Asia, America, nedze ku Europe ndidzo dzine vashanyi vakawanda vakashanyira nyika panguva iyi.

VaKaseke vanoti vari kufara nehuwandu hwemisangano nezviratidzwa zviri kuitwa mumahotera emunyika nemakambani izvo zviri kubatsira kukwidza huwandu hwemari dzinobva kubva kumahotera.

Sangano re ZTA rakaburitsa zvinyorwa svondo rapera izvo zvinoti sarudzo dzichangobva kuitwa hadzina zvadzakachinja mumamiriro ekushanya ne kushanyirwa kwenyika sezvaimboitika munguva yapera.

VaKaseke vanoti vane zvirongwa zvizhinji zvavari kuda kuparura kuitira kuti huwandu hwevanoshanyira nyika hurambe huchiwedzereka.

Vanotiwo huwandu hwevashanyi vanobva kuChina ne Japan hwakakwira zvinofadza gore rino izvo zvakakatyamadza sangano ravo sezvo vange vasina kuzvitarisira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG