Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mwana Ofa neChirwere cheTyphoid kuMbare


Apo vamwe vanhu vange vari kufara pazororo rekisimusi, imwe mhuri yekuMbare yakafirwa nemwasikana wayo uyo ano fungudzirwa kuti akarwara netyphoid kwenguva pfupi.

Vagari vemumusha uyu munzvimbo yeNational vanoti tsvina kana kuti sewage iri kuyerera nepadzimba dzavo iri kupa kuti vatyire hupenyu hwavo.

Vagari vemuMbare vanoti chinonyanyorwadza ndechekuti musikana uyu ange akabuda zvinofadza pabvunzo dzake dzeGrade 7 aine 4 units uye kunyange hazvo kanzuru yeHarare yati iri kuongorora kuti chii chakanzozera kufa kwake, vagari vemunzvimbo iyi vati kubuda kwemasiweji achierera mudzimba dzavo ndiko kwakonzera kufa kwemwana uyu.

Vagari vakawanda mumigwagwa inoti 8th na 9th vaudza Studio 7 kuti kanzuru yeHarare yange isiri kuterera zvichemo zvavo zvekuti vazogadzira mapaipi emasewage akaputika uye vanhu vakawanda munzvimbo iyi vakatoendeswa kuchipatara vachirwara nemanyoka.

Mumwe mugari wemuna 9th uyo asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti kufa kwemwana uyu kwarwadza vanhu vakawanda.

Ambuya Anne Marry Karimushanje vanoti mumusha weMbare maita dambudziko guru remasuweji ari kupitika mudzimba zvekutoti vave kutyira kuti vana vakawanda vachafa nezvirwere zvemanyoka.

Tinashe Karise uyo ane tuckshop yake munzvimbo iyi audza Studio 7 kuti seweji iri kuerera pese yave kukanganisa bhizimisi rake uye nhunzi dzave kuzara mutuckshop make.

Mugwaro ravaburitsa kuvatori venhau, mutauriri weHarare City Council, VaMichael Chideme, vati kanzuru iri kuongorora rufu rwemwana uyu uye vatsinhirawo kuti hanzvidzi yake pamwe nevamwe vanhu vane chitsama kubva munzvimbo iyi vari muchipatara uye vari kufungidzirwa kuti vane typhoid.

Vatiwo pane vanhu makumi matatu kubva munzvimbo iyi vakatorapwa sezvo vaifunguidzirwa kuti vane typhoid.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeHarare, Dr Proper Chonzi, vaudza Studio 7 kuti mufi ange achiratidzika kunge ane typhoid asi kanzuru haisati yave nehumbowo hwekuti ange aine typhoid here kana kuti kwete.

Dr Chonzi vati zvinokonzera typhoid zvinozikanwa uye kanzuru iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa nyaya dzekutakurwa kwemarara nemasiweji senzira yekudzivirira chirwere ichi.

VaChideme vatiwo kanzuru yatanga chirongwa chekudzidzisa vanhu pamusoro pezvirwere zvetyphoid necholera pamwe nekukosha kwehutsanana.

Kanzuru yeHarare yakazivisa muna Mbudzi kuti yakatarisira kuti zvirwere zvemanyoka zvichawanda panotanga kunaya mvura uye yakati vese vanenge vachirwara nezvirwere izvi vacharapwa pachena.

Bazi reCentres for Disease Control rinoona nezvehutano muAmerica rinoti kudzivirira chirwere chetyphoid vanhu vanofanira kubhoirisa chikafu kana mvura, kubika chikafu, kuchimenya kana kutorega kudya muchirungu, “Boil it, cook it, peel it or forget it.”

XS
SM
MD
LG