Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Human Rights Commission Inoti Sarudzo dzekuHurungwe Hadzina Kufamba Zvakanaka


Hurungwe West Independent candidate, Temba Mliswa
Hurungwe West Independent candidate, Temba Mliswa

Sangano rinoongorora nyaya yekodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights Commision raburitsa gwaro riri kuburitsa pachena kuti sarudzo kuHurungwe West hadzina kufambiswa zvakanaka nenyaya yemhirizhonga uye kutyisidzirwa kwevanhu.

Sachigaro wekomisheni iyi, VaElasto Mugwadi, vakaenda zvakanyanya kuHurungwe West munguva yesarudzo ye by election pakati paVaKeith Guzah veZanu-PF uye VaTemba Mliswa vaikwikwidza vakazvimirira.

VaGuzah vakakunda musarudzo idzi asi VaMliswa vakakwira kudare repamusoro vachipikisa kukundwa kwavo vachiti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Nyaya iyi iri kudzokera mudare zvakare neChitatu.

Gwaro resarudzo iri rakaendeswa kuna sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, asi hatina kukwanisa kuvabata panharembozha yavo.

VaGuzah vanoti havadi kutaura neStudio 7 nezvesarudzo idzi.

VaMliswa vanoti gwaro iri riri kuburitsa pachena zvavaitaura kuti musarudzo makaitwa mhirizhonga yakanyanya.

Hurukuro naVaTemba Mliswa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG