Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vorwira Kodzero dzeVakatongerwa Rufu


Runners sprint ahead of bulls during the first running of the bulls at the San Fermin festival in Pamplona, northern Spain.
Runners sprint ahead of bulls during the first running of the bulls at the San Fermin festival in Pamplona, northern Spain.

Gweta rine mukurumbira uye vachiita zvematongerwo enyika, VaTendai Biti, vanoti vave kubatana nevamwe vari kurwisa nyaya yekutongera vanhu rufu vachiti kuita izvi kunotyora kodzero dzevanhu.

Bumbiro remitemo idzva harichabvumidze kuurayiwa kwevanhukadzi, uye varume vari pasi pemakore makumi maviri nerimwe, pamwe nevarume vari pamakore apfuura makore makumi manomwe.

Zimbabwe yakagumisira kuuraya munhu mujeri muna 2005.

Asi pachine vanhu vanoda kusvika kana kupfuura zana vakatongerwa rufu.

Mukuru wesangano reAmnesty International kuchamhembe kweAfrica, VaDeprose Muchena, vanoti hurumende inofanira kubvisa mutemo wekutongera vanhu rufu zvachose nekuti kutyora kodzero dzevanhu.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, varizve gurukota rinoona nezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti naivowo vanoda kuti mutemo wekutongerwa vanhu rufu ubviswe.

VaBiti vanoti bumbiro remitemo idzva rinochengetedza kodzero dzevakatongerwa rufu uye vazvipira kubatsira vasungwa ava.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG