Accessibility links

Breaking News

Vari Kudzidza Kunze kweNyika Votya Kudzoka Kumusha


FILE - Protesting university students demand free education during a rally in Cape Town, South Africa, Oct. 22, 2015.
FILE - Protesting university students demand free education during a rally in Cape Town, South Africa, Oct. 22, 2015.

Vanhu vanobva kuZimbabwe vari kudzidza muzvikoro zvepamusoro soro muSouth Africa, vanoti mamiriro akaita zvinhu kumusha ari kuita kuti vafunge kaviri pakudzokera kumusha kana vachinge vapedza zvidzidzo zvavo.

Vadzidzi vakawanda vanoti havana tarisiro yekudzokera kumusha kana vachinge vapedza zvidzidzo zvavo nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kusagadzikana kwehupfumi, izvo zviri kuita kuti munyika musave nemabasa, pamwe nenyaya dzezvematongewo enyika dziri kukonzera mhirizhonga.

VaTrust Matsilele, avo vachangobva kupedza zvidzidzo zvepamusoro soro, vanoti havaone vachidzokera kundoshanda kumusha nekuda kwekuti hapana makambani angavape basa kuZimbabwe.

Mumwe mudzidzi munyaya dzekutakurwa kwezvinhu, VaEddie Muchatuta, vanoti havasi kuzodzokera kumusha sezvo vave nemhuri yavo yakurera nekutora vari muSouth Africa, sezvo kumusha kusina kumira zvakanaka.

Mumwe mudzidzi munyaya dzebudiriro, Muzvare Thobie Sibindi, vanoti vari kuronga kuti vandoshanda munyika dzemuAfrica, asi kwete muZimbabwe.

Muzvare Loveness Gotora, avo vari kudzidzira kuve mukoti, vanotiwo dzambudziko guru richaita kuti vasadzokera kumusha inyaya dzezvematongerwe enyika nekushaikwa kwemabasa.

Mudzidzisi paTswana University of Technology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti vanowirirana nematanho ari kutorwa nevadzidzi ava, sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka muZimbabwe.

VaMukonza vanoti Zimbabwe iri kurasikirwa zvikuru nevanhu vane ruzivo rwunogona kushandiswa mukusimudzira nyika.

Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti kune zvizvarwa zveZimbabwe zvinodarika zviuru makumi maviri zviri kudzidza muSouth Africa, uye vazhinji vazvo havasi kudzokera kuZimbabwe mushure mekupedza zvidzidzo zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG