Chikwata cheSouth Africa chichange chichikokera nhaurirano dziri kuitwa pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF, chava kutarisirwa kusvika muZimbabwe nemusi weSvondo, kwete Chishanu sezvange zvakarongwa.
Chikwata ichi chichibatsirana nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, mukuedza kugadzirisa gakava riri pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai. VaZuma vanonzi havasi kufara zvachose nekunetsana kuri kuita VaMugabe naVaTsvangirai, zvokuti vari kuda kuti gakava iri ribva ragadziriswa zvachose.
Mumwe wevari muchikwata cheSouth Africa chiri kuenda kuZimbabwe, Muzvare Lindiwe Zulu, vaudza Studio7 kuti vachapinda muZimbabwe neSvondo, uye rwendo rwuno, vanoda kuona zvinhu zvichifamba sezvo vaneta nekutaurirana kweZanu-PF neMDC kusiri kupera.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kunetsana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, pamusoro pebasa ragavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, muchuchisi mukuru, VaJohannes Tomana, kugadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, pamwe nekusungwa sungwa kuri kuitwa nhengo dzeMDC. VaMugabe vari kurambawo kugadza mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.
Nhaurirano dzeMDC neZanu PF dzinonzi dzambomira neChina kuitira kuti mumwe ari kutungamira munhaurirano idzi, uye vari gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vaone nguva yekundogadzira hurongwa hwekushandiswa kwemari yenyika gore rinouya, uho huchaparura musi wa2 Zvita. Nhaurirano pakati pemapato dziri kutarisirwa kutanga neMugovera.
VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaZuma vari kuratidza chido chekuti zvinhu zvifambe.