Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza Hurumende Kuti Iferefete Kutochwa Kwakaitwa Nhengo dzeARTUZ


Artuz
Artuz

Mutongi wedare ramejasitiriti, VaIsheunesu Matova, vatura mutongo wekuti hurumende iferefete kutochwa kunonzi kwakaitwa vamwe vatungamiri vesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, apo vaive muhusungwa gore rapera.

Nhengo dzeARTUZ dzinoti munyori mukuru wesangano iri, VaRobson Chere, sachigaro weARTUZ kuMashonaland West, VaMunyaradzi Ndawana, gweta reARTUZ, VaDouglas Coltart naMuzvare Jessica Drury vanove nhengo yeARTUZ, vakasungwa muna Kubvumbi gore rapera vachidzidza zviri mune rimwe bhuku rinonzi “Pedagogy of the Oppressed”.

Gweta revasungwa ava, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza dare kuti vasungwa ava vakatochwa vari muhusungwa nevari kufungidzirwa kuti vasori.

Asi gweta rehurumende panyaya iyi, Amai Patience Chimasuru, vaudza dare kuti hapana humbowo hwekuti vasungwa ava vakatochwa zvabva zvapa mutongi wedare kuti ature mutongo wekuti hurumende iferefete nyaya iyi uye kuti idzoke nezvainenge yawana kudare musi uchatanga kutongwa nyaya musi wa6 Kubvumbi.

Zvataurwa naAmai Mtetwa zvatsinhirwa naVaChere.

VaNdawana vaudza Studio 7 kuti bhuku ravaidzidza nezvaro harina chekuita nemhirizhonga.

Hurumende inoti nhengo dzeARTUZ idzi dzaida kuzoita zvemhirizhonga kana dzadzidza nezvebhuku iri pa workshop yadzaiita pane imwe mumusha weGreystone Park.

Gweta revasungwa raudza dare kuti mapurisa akapinda pamba apa asina mapepa aivapa mvumo yekuita izvi ndokusunga vasungwa ava avo vavanoti vakazotochwa nevasori vari muhusungwa panzvimbo isiri kuzivikanwa kuti ndeipi vasati vazoendeswa kumapurisa pakamba yeHarare Central.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG