Accessibility links

Breaking News

Nzira Itsva yeKuchecheudza Vanhurume Yofarirwa


Zvichitevera kuparurwa kwakaitwa nzira itsva yekuchecheudza vanhurume isingade kuti munhu achekwe ganda rake, vanhurume vakawanda vari kukurudzira bazi rezveutano kuti ritambire nzira itsva iyi sezvo iri nzira inogona kutambirwa nevanhurume vakawanda.

Nzira itsva iyi yekuchecheudza vanhurume pachishandiswa rhabha inosunga ganda rekumusoro renhengo yemurume, yakatambirwa nesangano reWorld Health Organisation kuti ishandiswe senzira yekuderedza kutapuriranwa kweHIV.

Nyanzvi dzinokurudzira kushandiswa kwe Prepex Non Surgical Device dzinoti ganda rekumusoro rinodonha rega mushure memasvondo maviri rasungwa nerhabha inenge yakaiswa mushonga.

Mumwe mugari wekwaMutare, VaInnocent Magora, vanoti vanoona vanhu vazhinji vachitambira nzira itsva iyi sezvo ichinzi hainyanyorwadze. VaMagora vanoti nzira yagara iripo inorwadza izvo zvinotadzisa varume vazhinji kuchecheudzwa.

Mumwe murume anokurudzira kuchecheudzwa kwevanhurume, VaTawanda Samukange, vanotiwo kuchecheudzwa nenzira itsva iyi kwakareruka nekuti hakudi zvakawanda, uye hapana chironda chinosara chiripo, sezvinoitika kana munhu achekwa.

Nyanzvi dzinoti kana pakashandiswa prepex, marwadzo anopera nekukurumidza, zvichisiyana nekuchekwa, uko kunopera marwadzo mushre memasvondo matanhatu.

VaSamukange vanoti vanoona vanhu vazhinji vachipinda muchirongwa chitsva ichi.

Mumwe mugari wemuHarare, VaTonderai Mazivisa, vanotiwo vanofarira nzira itsva iyi nekuti mushure mekunge nyama yadonha, munhu anogona kurasa ega ganda rake kumba kwake.

VaMazivisa vanotiwo mazuva ano nenyaya dzemishonga dziriko, vamwe havapinde muchirongwa ichi sezvo vachizotyira kuti nyama dzavo dzinenge dzachekwa dzinogona kuzoshandiswa mukuita zvemishonga.

Mumwe murume ari kutsigira nzira itsva iyi, VaSimbarashe Nyoni, vanotiwo vamwe varume vanonyara kuchecheudzwa sezvo vasingade kuonekwa nhengo dzavo dzakavandika.

Nzira itsva iyi inonzi zvekare yakachipa kupfuura yagara iripo yekuopareta. Kutaura kuno Zimbabwe yakatotanga kuita ongororo yekuona kuti chirongwa ichi chinogona kutambirwa zvakanaka here munyika.

Chirongwa chekuchecheudzwa chakatanga kukurudzirwa ne sangano reWorld Health Organisation mugore ra2007. Umbowo hwakabva mutsvakiridzo hunoratidza kuti kuchecheudzwa kwevanhurume kunoderedza kutapurirwa kweHIV nezvikamu makumi matanhatu kubva muzana.
XS
SM
MD
LG