Accessibility links

Breaking News

Domboshaba Cultural Festival Yobatanidza Vana veZimbabwe neBotswana


Chikwata chenziyo dzechinyakare chichitandadza vanhu vaungana paDomboshaba Cultural Festival muBotswana.

Masangano eKalanga Language and Cultural Development Association remuZimbabwe pamwe nereDomboshaba Cultural Trust nuBotswana, abatana neChitatu mukukuridzira kuchengetedzwa kwerurimi urwu, pamwe netsika nemagariro evanhu vanotaura rurimi urwu.

Kwanga kuine mufaro mukuru mumusha pamuzinda weDomboshaba Ruins, uri pedyo nemusha weMasunga, uko vanhu vanga vachifara vachiimba nziyo, kutamba pamwe nekudya chikafu, pahurongwa hwabatanidza vanotaura rurimi rwe Kalanga muZimbabwe neBotswana

Vachitaura neStudio7 pamucheto pehurongwa uhwu, sachigaro weKalanga Language and Cultural Development Association, VaTshidzanani Malaba vanoti chinangwa chechirongwa ichi ndechekuchengetedza rurimi rwevaKalanga.

"Kalanga yeBotswana neKalanga yeZimbabwe, eeh, rurimi rwumwechete. Ndizvo vaKalanga vekuno nevaKalanga vekuZimbabwe vari kumutsiridza rwurimi," VaMalaba vanodaro.

Nhengo yekomiti yevechidiki musangano iri, VaFletchers Dingimuzi Dube, avo vakadzidziswa mutauro weNdebele kuchikoro, vanoti kuremekedzwa kwerurimi urwu kwakavavhurira mikana yemabasa.

Imwe nhengo yesangano iri, Amai Lydia Maphosa, vanoti vanokurudzira vanamai rweKalanga kudzidzisa vana vavo rurimi urwu, urwo rwunotaurwa kwazvo mudunhu reBulilima muZimbabwe.

Sachigaro weDomboshaba Cultural Trust, VaKangangwani Phatshwane, vanoti vane tarisiro yekuti kushanda kwavo pamwe chete kuchabatsira kuti vagone kugutsa hurumende yeBotswana kuitira kuti itange kudzidzisa Kalanga muzvikoro zvemunyika iyi.

Chirongwa cheDomboshaba Cultural Festival chinoitwa gore rega rega muBotswana, uye chakavambwa mushure mekunge verudzi rweKalanga muZimbabwe nemuBotswana vaita chibvumirano chekukurudzira mutauro vawo, tsika nemagariro awo.

Kubva mugore ra2005, sangano reKalanga Language and Cultural Development Association rainetsana nehurumende nechinangwa chekuti rurimi rweKalanga rwudzidziswe muzvikoro kutanga muna 2013.

Pari zvino, Kalanga mumwe yemitauro iri mubumbiro remitemo yenyika muZimbabwe, uye rurimi urwu rwunodzidziswa muzvikoro zviri munzvimbo dzinotaura Kalanga.

Rurimi rweKalanga rwunotaurwa kwazvo munzvimbo dzinoti Plumtree, Gwanda neTsholotsho mudunhu reBulilima.

Nyaya ina Shingirai Madondo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG